Masangano evanhukadzi ari pasi peWomen’s Coalition of Zimbabwe, anoti ari kushushikana zvikuru nenyaya dzevanhukadzi vari kubuda vachitaura kuti vakabatwa chibharo, kana kuitwa zvepabonde navo nemukuru wechechi ane mukurumbira munyika, Prophet Walter Magaya, vachiti pasvika nyaya iyi pava kuda kuti paumbwe komiti inoferefeta nyaya dziri kupomerwa mukuru wechechi yeProphetic Healing and Deliverance Ministries uyu.
Gakava panyaya yemihoro pakati pehurumende nevashandi vayo roramba kupera vashandi vachiramba kutambira mari dziri kupihwa nehurumende vachiti svondo rinouya vari kupinda mugwagwa vachiratidzira.
Zviuru nezviuru zvevanhu vakatengeserwa masitendi nemishandirana pamwe inodyidzana neZanu PF voudzwa nechikonzi chedare redzimhosva kuti vabve panzvimbo dzavari kugara papurazi re Solomio riri kuRuwa musi waChikunguru 26 usati wasvika, kutadza kuita izvi voputsirwa dzimba dzavo.
Vatsigiri venhabvu votarisira mutambo weHarare Derby mangwana pakati peDynamos neCaps United.
Chikwata cheZimbabwe Netball chema Gems chokweshana neJamaica mumakwikwi e2019 Netball World Cup ari kutambirwa muLiverpool kuBritain.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zvinoreva kurudziro yeWomen’s Coalition of Zimbabwe yekuti paumbwe komiti yekuferefeta nyaya dziri kupomerwa VaWalter Magaya.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum