Vatsigiri veMDC voratidzira padare ramejasitireti muHarare vachiratidza kutsamwa nekunonoka kuiswa kudare iri kwemumiriri weZengeza West uye vari mutevedzeri wasachigaro weMDC, VaJob Sikhala, avo vakasungwa nezuro vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende zvichitevera mashoko avanonzi vakataura pamusangano wakaitwa kuBikita kuMasvingo mukupera kwesvondo. Zviri kufungidzirwa kuti VaSikhala vaendeswa kuMasvingo kunonzi ndiko kwavakaparira mhosva yavari kupomerwa.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvonetseka kuwana mapasipoti matsva ekuti zvifambise kuenda kumusha munguva dzematambudziko akaita sekushaya kwehama nevadikani.
Vashandi vehurumende voita musangano wekuzeya mari dzavanonzi vakavimbisa kuwedzerwa nehurumende kutanga mwedzi uno waChikunguru idzo vari kuti ishoma panguva iyo mauto achinzi awedzerwa nemazana mana emadhora emaRTGS.
Kutongwa kwemutyairi wendege kuAirforce of Zimbabwe Tashinga Musonza uyo ari kupomerwa mhosva yekuuraya musikana wake Lucy Duve muGweru gore rakapera kwatanga nhasi mudare reHigh Court muBulawayo.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa dambudziko remapasipoti rakatarisana zvikuru nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinenge zvichida kuenda kumusha nechimbi chimbi.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum