Mumiriri weZengeza West uye vari mutevedzeri wasachigaro weMDC, VaJob Sikhala, vovharirwa mutirongo kwemasvondo maviri zvichitevera kunyimwa kwavaitwa nemutongi wedare remajisitireti wekuBikita, mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo. VaSikhala vachadzoka mudare musi waChikunguru 24 vachibva mutirongo.
Matambudziko ekushaya mvura ovhiringa vemabhizinesi vakawanda munyika.
MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoparura gwara rayo rekugadzirisa hupfumi hwenyika.
Kutongwa kwemuuto wemuchadenga nenyaya yekuuraya musikana wake kunopinda muzuva repiri mumatare edzimhosva kuBulawayo.
Chikwata cheZimbabwe Netball Team chotanga mutambo wacho mangwana kumakwikwi eNetball World Cup nechikwata che Sri Lanka.
Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nechikwata chema Gems kuBritain kumakwikwi eNetball World Cup.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum