Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikunguru 31, 2019


Nhau DzeShona Studio7

Mumwe mukuru mukuru muhofisi yemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, Va Douglas Tapfuma, vanomiswa pamberi pematare edzimhosva vachipomerwa neZimbabwe Anti Corruption Commission, Zacc, mhosva yekuita zvehuori. VaTapfuma munhu wechipiri kusungwa neZacc zvichitevera kugadzwa kwakaitwa komisheni iyi naVaMnangagwa.

Hama dzemunhu akapondwa mushure mekumbonetsana nevasori kuMutasa Central kuManicaland dzinoti mutumbi waVaMaxwell Gwechekweche hausati waongororwa, kana kuti kuitwa post mortem kusvika pari zvino.

Komisheni yerunyararo inoudzwa nevagare vemuBulawayo kuti mamwe mashoko anotaurwa nevakuru vakuru muhurumende nemuZanu PF anoita kuti vanhu vasave nechivimbo chekuti hurumende yakazvipira zvizere kugadzirisa nyaya yeGukurahundi

Vari kunze kwenyika vonetsekana zvikuru nekushaya magwaro ekufambisa kana kuti mapasipoti sezvo hurumende iri kukundikana kuvapa mapasipoti matsva

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa dambudziko rekushaikwa kwemapasipoti izvo zvava kuisa vamwe vari kunze kwenyika panguva yakaoma.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG