Mukuru wechikoro cheShamva Primary School, VaEdson Chuwe, vanoti vari kukumbira kuboka reZimbabwe National Water Authority, ZINWA, kuti rivhure mvura yarakavhara pachikoro chavo, iyo vanoti yakavharwa nekuda kwechikwereti chemari isina kubhadharwa.
Kuratidzira kwavanachiremba vakuru vepachipatara cheParirenyatwa muHarare nezuro kunonzi nevamwe kwakaratidza pachena kusamira kwezvinhu muzvipatara zvehurumende.
Sangano reMISA-Zimbabwe rinoti huwandu hwevatori venhau muZimbabwe vakashungurudzwa nehurumende hwakakwira kubva pamakumi maviri mugore ra 2017 kusvika pamakumi matatu nevatanhatu muna 2018.
Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti zvaida kuitwa nehurumende zviri kunze kwemutemo, uye havafungi kuti ichaenderera mberi nedanho iri sezvo varairidzi vakaenda pakuramwa mabasa vazivisa hurumende zviri pamutemo.
VaNcube vaudza bepanhau reHerald, kuti hurumende iri kutarisira kuderedza kurasikirwa kwehurumende nemari kubva pazvikamu gumi nezviviri kubva muzana muna 2018 kudzika pazvikamu zvishanu kubva muzana mugore rino.
Vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vachidzidzisa paTswane University of Technology, Doctor Ricky Mukonza, vanoti misangano iyi yakakosha zvikuru pachitariswa kudyidzana kwenyika mbiri idzi, uko kwagara kuripo.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vabatana nevamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica pamwe nepasi rose mukuchema vanhu vashaya mutsaona yendege muEthiopia.
Bato reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa rinoti manyepo ekuti mutungamiri waro neMugovera akati ari kushandidzana nevaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.
Vachitaura kumarinda eNational Heroes Acre muHarare pakuvigwa kwegamba renyika, Brigadier-General Emilio Munemo, VaMnangagwa vati nhaurirano dzekuti vadyidzane zvakare nedzimwe nyika, zvikuru dzekumawirira, dzicharamba dzichienderera mberi neavo vanovhurira nyika yavo magonhi avo.
Nekuda kwaizvozvo, sangano reEuropean Union riri kukurudzira hurumende yeZimbabwe kuti ijekese kuti chii chaizvo chakaitika kwavari uye kuti patorwe matanho akakodzera.
Mapurisa ekanzuru yeHarare achibatsirwa nemapurisa eZimbabwe Republic Police, anonzi akusunga nekutora midziyo yevanorarama nekutengesera mumigwagwa, avo vanonzi vaitengesera pakati peguta.
Mukuedza kwavo kubuda muzvirango zvavanoti zvakatemerwa Zimbabwe neAmerica, vakuru vehurumende vanonzi vakatsvaga imwe kambani yekuAmerica, yeBallard Partners, kuti ivabatsire mukuita hurukuro dzekuti vatange zvakare kudyidzana pamwe nekuchenurwa neAmerica.
Musangano wechitatu pakati peZimbabwe neSouth Africa, weBi-National Commission, watanga vakuru-vakuru vehurumende mbiri idzi vachisangana muHarare.
Asi mukuru werimwe sangano revagari veguta reHarare, reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti kanzuru yavo haisi kugona kuchengetedza mvura sezvo mamiriyoni emarita emvura ari kurasika nekuda kwepombi dziri pasi pevhu dzakatsemuka dzisiri kugadziriswa
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvine mabhizimusi kana zvinoda kuzotanga mabhizimusi kumusha zviri muAmerica zviri kuwaniswa mukana wekusangana negurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, kuti vanzwe zvinokwanisa kuitwa kuti vatange mabhizimusi kumusha.
Mutauriri webato iri, VaJacob Mafume, vanoti musangano wavo uchakurukurawo zvakawanda zvinosanganisira zvichakurukurwa pakongiresi, pamwe nekuronga kuti kongiresi yacho ichafambiswa sei.
Asi bato reZanu PF rinoti zvirango zviri kuramba zvichitemerwa vamwe vakuru muhurumende pamwe nemakambani ari pasi pehurumende nenyika dzinosanganisira America nedzimwe dzine pfungwa dzakafanana neAmerica hazvisi pamutemo, uye zvinoshoreka.
Mutauriri weguta reHarare, VaMichael Chideme, kuruboshwe, vanoti rimwe dambudziko nderekushaikwa kwemari yekunze yekuti vakwanise kuchenesa mvura.
Mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaBrian Nichols, vakazivisa nezverubatsiro urwu muHarare apo sangano reUnited Nations raiparura chirongwa chekupemha mari inoita mamiriyoni mazana maviri nemakumi matatu nemana emadhora yekubatsira vari kutambura.
Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti musangano waitwa muHarare pakati pemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi wakakosha zvikuru sezvo uchisunga hukama hwenyika mbiri idzi.
Rodhai zvimwe