Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vati zvirango zvakawedzerwa neAmerica kuvamwe vakuru muhurumende pamwe nemamwe makambani anodyidzana nehurumende yavo zviri kuramba zvichityora kodzero dzevana veZimbabwe.
Vachitaura kumarinda eNational Heroes Acre muHarare pakuvigwa kwegamba renyika, Brigadier-General Emilio Munemo, VaMnangagwa vati nhaurirano dzekuti vadyidzane zvakare nedzimwe nyika, zvikuru dzekumawirira, dzicharamba dzichienderera mberi neavo vanovhurira nyika yavo magonhi avo.
Vazvirova dundundu vachiti Zimbabwe chitima chiri kufamba chekuti vanoda kukwira vanokwira vasingadi vosiiwa shure.
Panyaya yenhaurirano dzekugadzirisa matambudziko ari munyika, mutungamiri wenyika vati mikova yavo yakavhurika kuvanhu vese nezvikonzero zvipi zvazvo.
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachitungamira sangano recentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti mashoko aVaMnangagwa aya haasi echokwadi kwete, asi kuti vari kungoda kusvotesa hurumende yeAmerica, vachiita sevasingadi kudyidzana nayo.
VaMaguwu vanoti chitima cheZimbabwe chiri kutaurwa nemutungamiri wenyika chinogona kusiya America chichitakura China neRussia, asi hapana nyika iri muAfrica yati yabudirira kuburikidza nekudyidzana neChina.
Brigadier-General Munemo vakashaya nemusi weSvondo mushure mekurwara kwenguva pfupi.
Facebook Forum