Musangano wechitatu pakati peZimbabwe neSouth Africa, weBi-National Commission, watanga vakuru-vakuru vehurumende mbiri idzi vachisangana muHarare.
Zimbabwe yanga yakamirirwa nechikwata change chichitungamirirwa nemunyori mukuru mubazi rezvekudyidzana pamwe nekutengeserana nedzimwe nyika, Ambassador James Manzou.
Mutauriri webazi rezvekudyidzana pamwe nekutengeserana nedzimwe nyika, VaGideon Gapare, vanoti musangano uyu ndiwo nhanganyaya kumusangano wemakurukota uchaitwa neMuvhuro, kwozoti musangano mukuru wevatungamiri venyika mbiri idzi uchaitwa neChipiri svondo rinouya.
VaGapare vanoti chikuru chiri kuitwa nemisangano iyi kusimbisa kudyidzana kwenyika mbiri idzi, uko kwagara kuripo nechakare.
"Pane hurongwa hwekuti nyika dzedu dzinge dzichisangana dzichitarisa mabumbiro akawiriranwa under kudyidzana kuripo, Bi-National Commission. Hongu, misangano yatanga nhasi," VaGapare vanodaro.
Vanoenderera mberi vachiti kunyange hazvo Zimbabwe neSouth Africa dzagara dzichidyidzana nechakare, kudyidzana uku kunofanirwa kusimbaradzwa kuburikidza nemisangano yakadai, iyo yakatanga kuitwa muna 2015 kuSouth Africa, uchizoitwa zvakare muna 2017, uye inoitwa mushure memakore maviri oga-oga.
Facebook Forum