Bato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa riri kutarisirwa kuita musangano waro we National Standing Committee neChitatu muHarare
Musangano uyu unonzi uchakurukura nezvemusangano mukuru webato iri wekongiresi. Bato iri rinoti kongiresi yaro ichaitwa kubva musi 24 kusvika 26 Chivabvu.
Mutauriri webato iri, VaJacob Mafume, vanoti musangano wavo uchakurukurawo zvakawanda zvinosanganisira zvichakurukurwa pakongiresi, pamwe nekuronga kuti kongiresi yacho ichafambiswa sei.
VaMafume vanoti musangano uyu uchakurukurawo mamiriro akaita zvinhu munyika, pamwe nenyaya yenhaurirano.
Nyaya yekongiresi yebato iri yakonzera mutauro mukuru vamwe vachiti VaChamisa havafanirwe kukwikwidzwa pachigaro chemutungamiri webato.
Vakawanda vechidiki vanonzi vari kutyisidzira vanhu vakawanda vari kuratidza kuti vari kuda kukwikwidzana naVaChamisa.
Asi VaMafume vanoti bato ravo harisati radaidzira hurongwa hwekuti vanhu vachidoma vanhu vavanoda kuti vakwikwidze muzvigaro zvakasiyana siyana.
Vanhu vabuda pachena kuti vari kuda kukwikwidza zvigaro, kunyange hazvo vasati vadomwa nematunhu, vanosanganisira munyori mukuru webato, VaDouglas Mwonzora, mutevedzeri wemutungamiri webato, Engineer Elias Mudzuri naVaChamisa.
Kunetsana kuri kuita vanhu muMDC kwasiya bato iri rava nezvikwata zvinenge zviviri, kana zvitatu.
Chikwata chekutanga ndeicho chevanhu vari kutsigira kuti VaChamisa havafanirwe kukwikwidzwa sezvo vaine rutsigiro rwevanhu vakawandisa. Chikwata ichi chiri kushandisa huwandu hwemavhoti hwakawana VaChamisa pasarudzo yemutungamiri wenyika gore rapera.
Chimwe chikwata chiri kutsigira nyaya yekuti VaChamisa vanofanirwa kukwikwidzwa, uye zvimwe zvigaro zvose zvebato zvinofanirwa kukwikwidzwa sezvinodiwa nebumbiro remitemo yebato.
Chikwata ichi hachisi kunyatsobuda pachena kuti chiri kutsigira VaMwonzora here kana VaMudzuri, kunze kwekusimbisa nyaya yekuti bato ngaritevedzere zvinodiwa nebumbiro rebato..
Chimwe chikwata chechitatu chiri kutsigira VaMwonzora, pamwe nezvavari kutaura zvekuti zvigaro zvose zvikwikwidzwe.
Asi hazvina kunyatsojeka kuti chikwata ichi chiri kutsigira here kuti VaMwonzora vakwikwidzane pachigaro chemutungamiri webato naVaChamisa.
VaChamisa vakatora hutungamiri hweMDC zvichitevera kushaya kwevaive mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, avo vakashaya gore rapera mushure mekunetsekana nechirwere chegomarara.
Asi mapindiro akaita VaChamisa panyanga haana kufadza vamwe mubato iri, izvo zvakazoita kuti bato iri ritsemuke, Muzvare Thokozani Khupe ndokuumba bato ravo rinozvitiwo MDC.
Facebook Forum