Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kujekesa Mamiriro eZvinhu Mune zveUpfumi


Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube
Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube

Dzimwe nyanzvi mune zveupfumi dzinoti hurumende haisi kunyatsooneka paimire chaipo mune zveupfumi sezvo mashoko airi kuburitsa asiri kuenderana nezviri kusangana nevanhu muhupenyu hwavo.

Izvi zvinotevera mashoko egurukota rezvehupfumi, Muzvinafundo Mthuli Ncube, ekuti hupfumi hwenyika hwave kutanga kugadzikana zvichitevera matanho akatorwa nehurumende gore rapera ekuderedza mari inoshandiswa nemapazi ehurumende, pasi pechironga cheTransitionary Stabilisation Programme.

Ukuwo, gavhuna veRBZ, Doctor John Mangudya vakati kushaikwa kwemafuta ekufambisa dzimotokari mucherechedzo wekuti kushanda kwemakambani kwawedzera munyika. VaNcube vaudza bepanhau reHerald, kuti hurumende iri kutarisira kuderedza kurasikirwa kwehurumende nemari kubva pazvikamu gumi nezviviri kubva muzana muna 2018 kudzika pazvikamu zvishanu kubva muzana mugore rino.

Vati izvi zvinoitika chete kuburikidza nematanho anosanganisira kumisa kushandisa ma Treasury Bill, mutero unobatirwa vari pamusoro muhurumende, kumiswa kwevamwe vechidiki vakanga vapinzwa mabasa zviri kunze kwemutemo, pamwe nekumbosendeka chirongwa chekutengera vadare pamwe nemakurukota dzimotokari dzekufambisa.

Nyanzvi mune zveupfumi vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mutasa, vanoti matanho aMuzvinafundo Ncube aya anogona kunge akarerutsa zvimwe zvinhu, asi zvisingabatsire vana veZimbabwe vakawanda.

Panyaya yekushandiswa kwemafuta akawanda nevemakani vari kuvhura mabhizimusi avo, nyanzvi mune zveupfumi vachitungamira sangano revashandirwi reEmployers’ Confederation of Zimbabwe, VaJohn Mufukare, avo vanoti mashoko ehurumende ekuti zvinhu zviri kugadzikana makambani achivhurwa hazvisi kuonekwa.

VaMufukare vanoti dambudziko riri kutoonekwa nevemakambani nderekushaikwa kwemari yekunze yekuti vatenge zvavanoda mukuita mabasa avo, sezvo nyika izere nemari yeRTGS Dollar, iyo isingakwanisi kushandiswa kunze.

Hurumende inoti iri kuedza nepose kumutsiridza hupfumi hwenyika kuburikidza nekuumba pamwe nekusimbisa hukama nenyika dzakaipoteredza, izvo zvainoti zvinogona kuwanisa nyika mari kuburikidza nezvibvumirano zvakasiyanasiyana.

Mumwe wevanotsigira kudyidzana uku ndaVaFrenk Guni, vanove nhengo yeZanu PF vachigara muWashington D.C., avo vanoti zvakakosha zvikuru.

Asi VaMutasa vanopesana nemaonero aVaGuni aya.

VaMufukare vanoti chonongodiwa pari zvino chinofanirwa kuteverwa nehurumende kudya chayauraya, sezvo zviri kuitika pari zvino zviri kusiya hurumende ichishandisa mari yaisati yabata mumaoko.

Pari zvino nyika yakatarisana nematambudziko akawanda mune zvehupfumi, anosanganisira kushaikwa kwemafuta ekufambisa, mari yekunze, chingwa, nezvimwe zvinodiwa neveruzhinji zuva nezuva.

Vakawanda vanoti izvi zvinogadzirisika chete kana hurumende ikabuda pachena ichizivisa veruzhinji zviripo kuitira kuti vazive matanho ekutora kana zvinhu zvaoma.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG