Accessibility links

Breaking News

VeZanu neMDC Votatsurana paNyaya yeZveHutano


Kuratidzira kwavanachiremba vakuru vepachipatara cheParirenyatwa muHarare nemusi weChitatu kunonzi nevamwe kwakaratidza pachena kusamira kwezvinhu muzvipatara zvehurumende.

Vanachiremba ava vakaburitsa pachena kuti havana zvekushandisa zvinotarisirwa kunge zviri muzvipatara, zvakaita semabhandeji, majikiseni pamwe nembatya dzekupfeka vari pabasa, izvo zvinonzi zvinokwanisa kugadzirwa muZimbabwe.

Zvimwe zvezvichemo zvakaburitswa navanachiremba ava pamusangano wavakaita negurukota rezvehutano Doctor Obadiah Moyo ndezvekuti vavari kurwadziwa nekuona varwere vachifa, kana kuvadzosera kudzimba kunofira kudzimba dzavo.

Mumwe chiremba ari mukuru wedivi rekunorapwa maronda erutsva akazivisa kuti vanamukoti vari kuwacha mambandeji anenge abviswa pane mumwe murwere achizoshandiswawo pane mumwe anozouya, achiti izvi hazvina hutano nekuti zvinogona kuita kuti zvirwere zvitapuriranwe.

Varwere vanoda kuvhiyiwa vanonzi vanenge vaita mhanza vari kuzoonekwa kwapera masvondo maviri.

Vekudivi rinosunungutswa madzimai akazvitakura vakatiwo vari kumanikidzwa kushandisa nzira dzisina kukodzera mukuita basa ravo nekuda kwekushaikwa kwezvikwanisiro, izvo zvinonzi zviri kuzosiya vamwe vana varemara, kana kushaya.

Asi nemusi weChina, Doctor Moyo vakazivisa kuti hurumende yawana mari inoita miriyoni yemadhora yekutengesa zvekushandisa.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti zviri muzvipatara mucherechedzo wekukundikana kwehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa, iyo iri kupomerwa mhosva yekuisa mari kuzvinhu zvisina kukosha.

Vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, vari vebato reMDC, Doctor Henry Madzodzera vanoti nyaya yekutadza kutungamira nehuori ndizvo zvapa kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo munyika.

Asi vakambowewo nhengo yeparamende vachimirira Pelandaba/Mpopoma, VaJoseph Tshuma, veZanu PF vanoti nyaya yezvirango ndiyo yakanganisa zvinhu munyaya dzezvehutano.

Hurukuro naVaJoseph Tshuma naDr Henry Madzorera
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG