Hurumende yeAmerica, kuburikidza nesangano rayo rinopa rubatsiro, reUnited States Agency for International Development, USAID, nemusi weChina yakapa rubatsiro rwemari inoita mamiriyoni gumi nemashanu emadhora, kuitira kuti mari iyi ishandiswe mukutenga chikafu chekupa vanhu vakatarisana nenzara.
Mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaBrian Nichols, vakazivisa nezverubatsiro urwu muHarare apo sangano reUnited Nations raiparura chirongwa chekupemha mari inoita mamiriyoni mazana maviri nemakumi matatu nemana emadhora yekubatsira vari kutambura.
Sangano reUnited Nations iri rakapawo rubatsiro rwemari inoita mamiriyoni gumi emadhora, iyo yakaziviswa nemukuru anoona nezverubatsiro musangano iri, VaMark Lowcock, avo vari kushanya muZimbabwe.
VaLowcock vakasanganawo nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachivazivisa nezvekuparura hurongwa hwekutsvagira Zimbabwe mari.
Vanhu vanosvika mamiriyoni mashanu ane mazana matatu ezviuru vanonzi vanoda rubatsiro gore rino, asi rubatsiro rwuri kutsvagwa urwu rwunonzi rwuchapiwa kuvanhu vanosvika mamiriyoni maviri ane mazana maviri ezviuru chete.
Kunyange hazvo hurumende iri kuti ine chikafu chinosvika matani mazana mashanu ezviuru chiri parutivi, vakawanda vanoona nezverubatsiro vanoti nyika inoda rubatsiro nekukasika sezvo goho remwaka uno rakaderera nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura.
Dzimwe nyanzvi dzekurima dzinoti kushaikwa kwemvura yakakwana mwaka uno kuchaita kuti goho rechibage ridzikire kubva pa 1.7 million tonnes akawanikwa gore rapera, kusvika pamiriyoni imwe chete yematani.
Mukuru wesangano reOXfam muZimbabwe, VaMachinda Marongwe vanoti hudzamu hwedambudziko iri huri kuonekwa nekuwanda kwevanhu vari mumadhorobha vari kuda rubatsiro, izvo zvaive zvisingaitike kare.
Facebook Forum