Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeZvirango Zvakawedzerwa neAmerica Yopesanisa Vanhu muNyika


Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaSibusiso Moyo vanoti zvirango hazvisi kushanda sezvo zvichiomesera varombo.

Mukuedza kwavo kubuda muzvirango zvavanoti zvakatemerwa Zimbabwe neAmerica, vakuru vehurumende vanonzi vakatsvaga imwe kambani yekuAmerica, yeBallard Partners, kuti ivabatsire mukuita hurukuro dzekuti vatange zvakare kudyidzana pamwe nekuchenurwa neAmerica.

Hurongwa uhwu hunonzi hwuchaona Zimbabwe ichibhadhara mari inoita mazana mashanu ezviuru zvemadhora pagore kukambani iyi.

Izvi zvinotevera danho rakatorwa nemutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, rekuwedzera nerimwe gore zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vehurumende makumi masere nevana, pamwe nemakambani anodyidzana nehurumende makumi mashanu nematanhatu.

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, vakashoropodza zvirango izvi vachiti zviri kuomesera varombo chete, uye kukanganisa hupfumi hwenyika hunonzi ndihwo hwazvinofanirwa kugadzirisa.

Nhengo yeZanu PF, VaGilbert Muponda, vanoti vanoshoropodza zvikuru danho raVaTrump rekuwedzera zvirango iri, vachitiwo manyepo ekuti zvirango izvi zvakangonangana nevanhu vashomashoma.

Vanotiwo zvaitwa nehurumende zvekutsvaga nyanzvi dzichaimirira pakutaura nehurumende yeAmerica chinhu chakakosha zvikuru.

Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda neHuman Rights Watch kuchemhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga vanoti zvirango izvi zvakanangana nevanhu vari kutyora kodzero dzevanhu, uye manyepo ekuti zviri kubata vanhu vese munyika.

Panyaya yekuti hurumende yatsvaga vanhu vachairwira kuti ibviswe pazvirango, VaMavhinga vanoti uku kusungirira mari pagumbo rengwena kuri kuitwa neZimbabwe.

Vanoti chiri kungodiwa chete apa kuti zvirango zvibvise kuti hurumende yeZimbabwe iremekedza kodzero dzevanhu, kwete kutambisa mari yakawanda kudaro vana veZimbabwe vachifa nenzara.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga pamwe naVaGilbert Muponda
please wait

No media source currently available

0:00 0:16:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG