Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vorumbidza Musangano weZimbabwe neBotswana, Asi Vamwe Vachiushoropodza


Mutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi vasangana nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi vasangana nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF mudunhu reNorth America, VaFrenk Guni, vanoti musangano waitwa muHarare pakati pemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi, wakakosha zvikuru sezvo uchisunga hukama hwenyika mbiri idzi mumapoka akasiyanasiyana.

Nyika mbiri idzi dzaita musangano weBi-National Commission, apo panonzi panyoreranwawo pasi zvibvumirano zvakasiyanasiyana.

Asi mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa, VaJacob Mafume, vanoti hongu misangano yakadai yakakosha, asi manyepo anozoburitswa nehurumende ezvinhu zvinenge zvisina kukurukurwa ndiwo anonyadzisa nekushoresa chimiro chenyika.

VaMafume vanotiwo zvonoshoresa kwazvo kuti Zimbabwe yave kutarisa kunyika dukuduku yakaita seBotswana kuti iwane rubatsiro.

Hurukuro naVaFrenk Guni pamwe naVaJacob Mafume
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vari mukuru wesangano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisai Ruhanya, avo vari kuita zvidzidzo zvepamusoro paUniversity of Johannesburg, muSouth Africa, vanotsinhirawo kuti misangano iyi yakakosha, asi vanoshoropodzawo zvakaitwa neZimbabwe zvekutaura manyepo ekuti yapiwa mari, zvinove zvakazorambwa neBotswana.

Doctor Ruhanya vanoti hutungamiri hweZimbabwe hunofanirwa kudzidza kutanga hwamirira kupetwa kwemisangano yakadai husati hwamhanyira kuburitsa mashoko anozoita kuti nyika ionekwe seisina kurongeka.

Vanotiwo mumakore ekuwama nyika kuzvitonga, zvizvarwa zveBotswana zvaitomhanyira kuZimbabwe kunowana dzidzo yepamusoro pamwe nebasa, asi iye zvino zvizvarwa zveZimbabwe ndizvo zvave kupfugamira vekuBotswana zvichipemha.

Izvi zvinotevera mashoko akaburitswa mumapepanhau ehurumende ekuti Botswana yakanga yati ichawanisa Zimbabwe mari inosvika mamiriyoni mazana matanhatu emadhora, asi Botswana ikazobuda ichiramba mashoko aya.

Mushure memusangano wevatungamiri vaviri ava, Botswana yazozivisa kuti ichabatsira vemabhizimusi vayo vanoda kutanga mabhizimusi muZimbabwe nemari inosvika bhiriyoni imwe chete yemaPula.

Nyika iyi yajekesawo kuti mari iyi haisi kubva kuhurumende, kwete, asi kuti iri kubva kumapoka akazvimirira emuBotswana ari kuda kutsigira vemabhizimusi munyika iyi.

Hurukuro naDoctor Pedzisai Ruhanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG