Accessibility links

Breaking News

Murwiri weKodzero, VaItai Dzamara, Vosvitsa Makore Mana Vapambwa


Murwiri wekodzero dzevanhu, VaItai Dzamara, vakatsakatika musi wa 09 Kurume 2015.
Murwiri wekodzero dzevanhu, VaItai Dzamara, vakatsakatika musi wa 09 Kurume 2015.

NeMugovera 09 Kurume, murwiri wekodzero dzevanhu, VaItai Dzamara, vari kusvitsa makore mana vapambwa ndokutsakatika. VaDzamara vakapambwa nevanhu vasingazivikanwi asi vanofungidzirwa kuti vasori muna 2015 vachienda kunogerwa musoro mumusha weGlen View.

VaDzamara, avo vaitungamira sangano reOccupy Africa Unity Square, vaizvikanwa nekuratidzira vari muAfrica Unity Square vachikurudzira kuti vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe vasiye chigaro.

Nekuda kwaizvozvo, sangano reEuropean Union riri kukurudzira hurumende yeZimbabwe kuti ijekese kuti chii chaizvo chakaitika kwavari uye kuti patorwe matanho akakodzera.

Sangano iri raburitsa mashoko ari kukurudzira hurumende kuti itore matanho akakodzera panyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu, sezvainotaura kuti inoremekedza kodzero dzevanhu.

Muzinda weAmerica muZimbabwe waburitsawo mashoko anokurudzira hurumende kuti iremekedze kodzero dzevanhu kuburikidza nekuvandudza nyaya dzezvematongerwo enyika nezvehupfumi, uchiti izvi zvinokwezva vemabhizimusi vekunze uye kuumba vimbo muhurumende itsva.

Muzinda uyu watorawo mukana uyu kujekesa nyaya yezvirango, uchiti zvirango izvi hazvirambidzi kutengeserana pakati penyika mbiri idzi, sezvo zvakanangana nevanhu vashoma vanotyora kodzero dzevanhu.

Munyori mukuru wesangano re Occupy Africa Unity Square, iro raishanda naVaDzamara, vanoti vari kurangarira VaDzamara mangwana vachiungana muAfrica Unity Square vakazvivhara kumeso nemifananidzo yaVaDzamara.

VaNyoni vanoti kunyange hazvo vasina kupiwa mvumo nemapurisa yekuti vaungane, vachaita izvi sekodzero dzavo dzavanopiwa nebumbiro remitemo yenyika.

Muna 2017, mutongi wedare repamusoro reHigh Court, Justice David Mangota, vakapa mutongo wekuti mapurisa pamwe nevasori vatsvage VaDzamara, uye vange vachizivisa nyika pavanenge vasvika mukutsvaga kwavo uku.

Mudzimai waVaDzamara, Amai Shefra Dzamara, vakakwira kudare iri vachida kuti dare rimanikidze mapurisa nevasori kutsvaga murume wavo.

Hurukuro naVaCharles Nyoni
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG