Rimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti hurumende haisati yatora matanho ayakavimbisa ekuranga varairidzi vakapinda mukuramwa mabasa mwedzi wapera.
Boka rePublic Service Commission, rakayambira varairidzi vairamwa mabasa kuti vaizobatirwa mari dzemazuva avanenge vasina kushanda, kana kuti vaizotorerwa mazuva avo ezororo.
Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti zvaida kuitwa nehurumende zviri kunze kwemutemo, uye havafungi kuti ichaenderera mberi nedanho iri sezvo varairidzi vakaenda pakuramwa mabasa vazivisa hurumende zviri pamutemo.
Varairidzi vari kutarisirwa kuwana ma payslip avo chero nguva svondo rino sezvo vari kutarisirwa kutambira mihoro yavo nemusi weChipiri svondo rinouya.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rePublic Service Commission kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi.
Asi Doctor Zhou vanoti hurumende ikavabatira mari dzavo, varairidzi vachakwidza nyaya iyi kumatare sezvo hurumende isina masimba ekuita izvi sezvo iine davi rayo rayakarerekera pagakava riripo.
Facebook Forum