Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yokurudzira Vagari Kushandisa Mvura Zvine Hungwaru


Mufundisi Evan Mawarire vachiratidza mvura yakasviba inonzi iri kubuda mupombi dzekanzuru yeHarare.
Mufundisi Evan Mawarire vachiratidza mvura yakasviba inonzi iri kubuda mupombi dzekanzuru yeHarare.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanoti kanzuru yavo iri kukumbira kunzwirwa tsitsi nevagari veguta reHarare zvichitevera dambudziko remvura, iro rawira guta iri.

VaChideme vanoti dambudziko iri rawedzerwa nekupwa kuri kuita madhamu maviri anoti reHarava neSeke ari kuChitungwiza, ayo anowanisa guta reHarare mvura.

Vanoti dambudziko iri riri kuwedzerwawo nekushaikwa kwemari yekunze yekuti vatenge mishonga yekuchenesa mvura, izvo zvave kuita kuti vachenese mvura shoma pane inodiwa.

Kanzuru yakatozivisa kuti misha inogara vanhu iri kumaodzanyemba ichange ichishaiswa mvura kwemaawa makumi manomwe nemaviri kana kuti mazuva matatu pasvondo.

Kwemasvondo matatu adarika, kanzuru yanga ichiwanisawo misha yeMabvuku neTafara mvura misi yeMugovera neSvondo chete.

"Saka naizvozvo, chatingatauria vagari ndechekuti mvura yatawana iyoyo ngatiishandiseyi zvine ungwaru. Ngatisapfachura mvura. Yatawana, takageza toisa mumabhaketi tozoseenzesa muma toilet," vadaro VaChideme.

Hurukuro naVaMichael Chideme
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG