Accessibility links

Breaking News

MISA Zimbabwe Inoburitsa Gwaro Rinoratidza Kushungurudzwa kweVatori veNhau


Misa- Zimbabwe
Misa- Zimbabwe

Sangano reMISA-Zimbabwe rinoti huwandu hwevatori venhau muZimbabwe vakashungurudzwa nehurumende hwakakwira kubva pamakumi maviri mugore ra 2017 kusvika pamakumi matatu nevatanhatu muna 2018.

Izvi zviri mugwaro raburitswa nesangano iri rinodonongodza mashandiro evatori venhau, pamwe nekufambiswa kwemashoko munyika.

Sachigaro veMISA-Zimbabwe, VaTabani Moyo, vanoti sangano ravo rinoburitsa magwaro akadai mukupera kwegore roga roga vachiunganidza zvimhingamipinyi zvinenge zvakasanganikwa nazvo nevatori venhau mukuita basa ravo.

VaMoyo vanoti mitemo inombunyikidza vatori venhau yakaita seAccess to Information and Protection of Privacy Act, AIPPA, Public Order and Security Act, POSA, pamwe newekutepfenyura weBroadcasting Services Act, inofanirwa kuvandudzwa.

Sangano iri rinoti rinonyevenutswa zvishoma nekunzwa kuti hurumende iri kuronga kuvandudza mitemo yeAIPPA nePOSA zvichitevera chisungo chakaitwa nedare remakurukota.

VaMoyo vanoti ongororo yavo inoratidza kuti vakanyanya kutyora kodzero dzevatori venhau gore rapera ndevechiuto.

VaMoyo vanoti vakatosvitsa gwaro ravo kuhurumende vaine tarisiro yekuti vazogara nayo pasi vachizeya zvinetswa zvakasimudzwa negwaro iri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG