Bato reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa rinoti manyepo ekuti mutungamiri waro neMugovera akati ari kushandidzana nevaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.
Mutauriri webato iri, VaJacob Mafume, vanoti vanhu vari kunyora mashoko ekuda kusvibisa mutungamiri wavo, kuburikidza nekuisa mashoko mumukanwa mavo avasina kutaura.
VaMafume vanoti chakaitwa chete nemutungamiri wavo kuyeuchidza vanhu kuti VaMugabe vakataura vega nemuromo vawo kuti vanosapota MDC uye vaizovhotera VaChamisa.
Vanoti VaChamisa vakati sevatungamiri havasarudzi vatsigiri, kwete, asi vatsigiri ndivo vanosarudza vatungamiri vavanoda.
Izvi zviri kuitika mazuva mashoma mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya-Moyo vakurudzira VaMugabe kuti vabude pachena vachiramba kana kubvuma mashoko anonzi ari kutenderera ekuti ivo VaMugabe vari kubatsira VaChamisa nemari yekuti vashandise mukutsvaga kwavo kudzoserwa pachigaro cehmutungamiri webato pakongiresi ichaitwa chivabvu gore rino.
Hatina kukwanisa kunzwa divi raVaMugabe panyaya iyi.
Facebook Forum