Accessibility links

Breaking News

Gurukota rezveMari, Muzvinafundo Ncube, Vosangana neZvizvarwa zveZimbabwe muWashington D.C.


Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vari kutarisirwa kusangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvinoda kutanga mabhizimusi kumusha.
Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vari kutarisirwa kusangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvinoda kutanga mabhizimusi kumusha.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvine mabhizimusi kana zvinoda kuzotanga mabhizimusi kumusha zviri muAmerica zviri kuwaniswa mukana wekusangana negurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, kuti vanzwe zvinokwanisa kuitwa kuti vatange mabhizimusi kumusha.

Mabiko aya, ayo ari kuitirwa kumuzinda wenyika uri muWashington D.C., akarongwa nekambani yezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri mune zvemabhizimusi muAmerica nekumusha, yeWafamba Wapota, uye akanangana nekupana ruzivo mune zvemabhizimusi kune vari kunze kwenyika.

Mumwe wevari kutungamira hurongwa uhwu, uye vari mukuru wekambani yezvemari yeBitMari, VaChristopher Mapondera, vanoti chinangwa chemabiko aya ndechekupa vana veZimbabwe vari kunze mukana wekuti vabvunze nekunzwa zvavanoda kuziva kuitira kuti vakwanise kuonawo mikana iri kumusha mune zvemabhizimusi.

VaMapondera vanoti vana veZimbabwe vari kunze kwenyika havafanirwe kutarisira kuti nyika yavo inovaitireyi, asi kuti ivo vatarisirewo kuti chii chavanoitira nyika.

NeChipiri VaNcube vanonzi vakasangana nevakuru veInternational Monetary Fund, IMF, kusanganisira mukuru-mukuru wesangano iri, Amai Christine Lagarde, pamwe nevakuru veWorld Bank, vachivapira nezvebudiriro yavanoti iri kuitika munyaya dzezvehupfumi muZimbabwe.

Kushanya kwegurukota rezvemari uku kunouya panguva iyo America neMuvhuro svondo rino yakawedzera negore rimwe chete ichiti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa haisi kuremekedza kodzero dzevanhu.

Hurukuro naVaChristopher Mapondera
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG