Accessibility links

Breaking News

Dambudziko reMvura Rotyirwa Kuunza Zvirwere zveManyoka muShamva


Kuvharwa kwemvura neZINWA pachikoro cheShamva Primary School nemisha yeShamva Gold Mine kwotyirwa kuti kungangokonzeresa kupararira kwemanyoka.
Kuvharwa kwemvura neZINWA pachikoro cheShamva Primary School nemisha yeShamva Gold Mine kwotyirwa kuti kungangokonzeresa kupararira kwemanyoka.

Mukuru wechikoro cheShamva Primary School, VaEdson Chuwe, vanoti vari kukumbira kuboka reZimbabwe National Water Authority, ZINWA, kuti rivhure mvura yarakavhara pachikoro chavo, iyo vanoti yakavharwa nekuda kwechikwereti chemari isina kubhadharwa.

Chikoro cheShamva Primary School chinonzi chiri pasi pemugodhi weShamva Gold Mine, uyo uye chikwereti kuZINWA.

Chikumbiro chaVaChuwe ichi chinotevera kurwara nemanyoka kwakaita vana vechikoro vatanhatu nemusi weChitatu svondo rino, kunyange hazvo chipatara cheShamva chakati manyoka aya haasi echirwere chekorera kana typhoid.

Dambudziko remvura iri rinonzi rakabatawo zvakare musha weveruzhinji weShamva Gold Mine, izvo zvaita kuti vagari vedzimba dzemugodhi uyu vanyore gwaro kudare reparamende vachida kuti ripindire mukuona kuti ZINWA yavhura mvura yakavharwa kubva kutanga kwemwedzi wapera, sezvo iri kodzero yemunhu wese yekuti awane mvura yakachena.

Vagari ava vanoti kuvharwa kwemvura kwave kuita kuti vanhu vashandise mvura inobva munzvimbo dzisina hutano, izvo zviri kuwedzera hurwere kwemanyoka.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi reZINWA kanawo kubva kumugodhi weShamva Gold Mine.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG