Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inoshoropodza Danho reAmerica Rekuwedzera neGore Zvirango


Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vakawedzera zvirango zvakatemerwa Zimbabwe nerimwe gorwe vachiti hana chashanduka kubva pakapinda hurumende yaVaMnangagwa.
Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vakawedzera zvirango zvakatemerwa Zimbabwe nerimwe gorwe vachiti hana chashanduka kubva pakapinda hurumende yaVaMnangagwa.

Bato reZanu PF rinoti zvirango zviri kuramba zvichitemerwa vamwe vakuru muhurumende pamwe nemakambani ari pasi pehurumende nenyika dzinosanganisira America nedzimwe dzine pfungwa dzakafanana neAmerica hazvisi pamutemo, uye zvinoshoreka.

Mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya-Moyo vataura mashoko aya mugwaro ravaburitsa, vachiti chiitiko ichi chinouya pasina nguva sangano reEuropean Union ratora danho rimwechetero rekuwedzera zvirango izvi, kunyange hazvo hurumende iri kuedza zvikuru kumutsiridza kudyidzana nedzimwe nyika.

VaKhaya-Moyo vati mashoko eAmerica ekuti sarudzo dzakaitwa muna 2018 dzakanga dzisina kuchena haasi echokwadi, nekuti sarudzo idzi dzakatambirwa nemasangano emuAfrica eSADC neAfrican Union, pamwe nemamwe ekumhiri akawanda.

Vanotiwo mutongo wedare repamusorosoro reConstitutional Court wekuti mutungamiri wenyika ndivo vakakunda musarudzo dzaipikiswa nemutungamiri weMDC, Vanelson Chamisa, wakavhara nyaya yose.

Vatiwo munyika mune kuremekedzwa kwekodzero dzevanhu nekuteverwa kwebumbiro remitemo, kushanda kwevanotora nhau vakasununguka, uye kuteverwa kwebumbiro remitemo yenyika.

Mashoko avaKhaya-Moyo aya anotevera kuziviswa kwakaitwa nemutungamiri we America, VaDonald Trump, neMuvhuro kuti hurumende yavo yakawedzera nerimwe gore zvirango zvakatemerwa vakuru-vakuru muhurumende yeZanu PF, pamwe nemakambani anodyidzana nehurumende yaVaEmmerson Manangagwa.

Izvi zvinouya panguva iyo VaMnangagwa nehurumende yavo vari kuti vari kuedza nepose pavanogona kutanga kudyidzana zvakare nenyika dzakanga dzambochekana hukama neZimbabwe munguva yehurumende yevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Vachiwedzera zvirango izvi, VaTrump vakati maitiro evanhu vari pazvirango anokanganisa kutonga kwejekerere. Vakatiwo kodzero dzevanhu dzichiri kutyorwa nehurumende yaVaMnangagwa.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hurumende yaVaMnangagwa pamwe nenhengo dzeZanu PF vanogarochema nerekuti zvirango izvi zviri kukanganisa nyaya dzezvehupfumi, uye kuti zviri kukanganisa hurongwa hwekukwezva vemabhizimusi vekunze kuti vapinde munyika kuzonodyara mari dzavo. Nekudaro, vanoti zvirango izvi zvinofanirwa kubviswa.

Nyanzvi mune zveupfumi, VaMasimba Kuchera vanoti danho remutungamiri weAmerica iri richatoita kuti zvinhu zvinyanyooma muZimbabwe sezvo richiratidza kuti America haisati yagutsikana nenhanho dzafambwa nehurumende yaVaMnangagwa.

VaKuchera vanoti dambudziko riripo nderekuti hurumende yeZimbabwe inoda kuti ibvisirwe zvirango izvi asi iyo isiri kutorawo matanho ekugadzirisa zvakamboshevedza zvirango pakutanga.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti zviri kuitwa nehurumende yeZimbabwe zvekuramba ichityora kodzero dzevanhu pamwe nekushungurudza vanopikisa nevemasangano akazvimirira hazviratidze kuti ine chido chekugadzirisa zvinhu nekukasika.

VaMavhinga vanoti zviri kuZimbabwe kuvhuka kana kuwarira panyaya yezvirango iyi, kwete kumirira kufungirwa zvekuita neAmerica.

Panyaya yekuti VaMnangagwa nehurumende yavo vari kuedza napose pavanogona kudyidzana zvakare nenyika dzekumawirira, VaMavhinga vanoti mutungamiri wenyika ari kungoita godzera mumukanwa, pasina chiri kuonekwa kunze.

Mutauriri weMDC, VaJacob Mafume, vanoti zviri nyore kwazvo kuti America ibvise zvirango izvi kana hurumende yeZimbabwe yakangomira kushunguradza pamwe nekudzvinyirira vanhu vayo.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika, vakarerekera kubato reZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti havaoni paine chiri kukanganiswa naVaMnangagwa nehurumende yavo.

VaChirumhanzu vanoti chirti kuitwa chete kusimbisa nyaya yekuti vana veZimbabwe vanoramba vari varidzi venyika yavo. Vanoenderera mberi vachiti zvekuti pave nezvirango kana kuti hapana zvirango kuvana veZimbabwe hazvishandi.

Danho rehurumende yeAmerica iri rinouya panguva iyo vatungamiri vakawanda vanyika dzemuAfrica kusanganisira mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vari kukurudzira kuti zvirango izvi zvibviswe, vachiti Zimbabwe inofanirwa kumbopiwa mukana wekuti imuke mune zveupfumi, uhwo hwagwadama.

Asi vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti vatungamiri ava, zvikuru VaRamaphosa, vanofanirwa kutsiura VaMnangagwa kuti varemekedze kodzero dzevanhu.

Hurumende yeAmerica inoti vanhu pamwe nemakambani anodyidzana nehurumende zvinosvika zana nemakumi mana ane chimwe, kusanganisira VaMnangagwa pamwe nevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, zvichiri pasi pezvirango izvi, izvo zvakadzikwa munguva yaVaMugabe muna 2003 vachinzi vatyora kodzero dzevanhu.

Kusvika hurumende yaita zvinogutsa vana veZimbabwe pamwe nehurumende dzakaita seAmerica, Britain European Union, zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru ava nenyika dzekumawirira zvacharamba zviripo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG