Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vari kutarisirwa kupinda munyika neMuvhuro pamberi pemusangano wavo nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, uyo uchaitwa neChipiri.
Musangano wevatungamiri vaviri ava ndemumwe wemisangano iri kuitwa nenyika mbiri idzi wekusimbisa kudyidzana kwadzo, we Bi-national Commission, uyo wakatanga svondo rapera.
VaRamaphosa vari kuperekedzwa nemakurukota matanhatu ehurumende yeSouth Africa anoti gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika Amai Lindiwe Sisulu, gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, Amai Nosiviwe Mapisa Nqakula, gurukota rezvekutengeserana, VaRob Davis, gurukota rezvemukati menyika, VaSiyabonga Cwele, gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaBlade Nzimande pamwe nemutevedzeri wegurukota rezvebudiriro nekugara zvakanaka kwevanhu, naMuzvare Bogopane Zulu.
Makurukota enyika mbiri idzi ari kutarisirwawo kuita misangano yakasiyanasiyana yekusimbisawo mashandiro emapazi avo.
Vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vachidzidzisa paTswane University of Technology, Doctor Ricky Mukonza, vanoti misangano iyi yakakosha zvikuru pachitariswa kudyidzana kwenyika mbiri idzi, uko kwagara kuripo.
Asi Doctor Mukonza vanoti chakakosha chete pahukama uhwu ndechekuti hwakaremera divi rimwechete setsvimbo, sezvo South Africa iri iyo iri kuwana zvizhinji.
Facebook Forum