Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muBritain zvaratidzira panze pemuzinda weChatham House muLondon zvichinyomba pamwe nekuzvidza gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaSibusiso Moyo, pavanga vobuda mumusangano waitirwa mumuzinda uyu.
Vemabhizimusi muguta reBulawayo vakabatana nemamwe masangano akasiyanasiyana emuguta iri vasangana nevakuru vekanzuru yeguta iri kuti vazeye nezvematambudziko avanoti ari kukonzerwa nekuvharwa kwemvura, uko kunonzi kwatora nguva yakareba.
Rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu rinoti zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kutyorerwa kodzero dzazvo nekukundikana kwehurumende kuzviwanisa magwaro ekufambisa kana kuti masipoti nenguva inokodzera uye inotarisirwa nemunhu kuti ange awana gwaro rake.
Musangano pakati pevamiriri vehurumende nevamiriri vevashandi vehurumende weNational Joint Negotiating Council, uyo wanga wakatarisirwa nevakawanda kuti uchaburitsa chimuko, unonzi hauna chawaburitsa mushure mekunge vashandi varamba mari yanga yaiswa patafura nehurumende.
Vashandi vekumizinda yeZimbabwe pamwe nevamiriri venyika munyika dzakawanda pasi rose vanonzi vari kunonga svosve nemuromo sezvo vachinzi vamwe vatove nemwedzi inodarika mitanhatu vasati vawaniswa mihoro yavo.
Mutungamiri webato rinopikisa reMDC, VaNelson Chamisa, vashanyira jeri reChikurubi Maximum Prison vachinoona nhengo dzebato ravo dziri kupika mujeri iri, Last Maengahama naTungamirai Madzokere.
America inopemberera kusvitsa kwayo makore mazana maviri nemakumi mana nematatu yawana kuzvitonga
Zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zviri muSouth Africa zvagara zvichiratidzira zvichinyunyuta nekurwiswa kwazvinoitwa nevemunyika iyi zvichinzi zviri kuvatorera mabasa
VaNkomo, avo vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika panguva yavakashaya, vakaberekwa mugore ra1917, vakazotangawo zvematongerwo enyika, izvo zvakazoita kuti vaumbe bato reNational Democratic Party muna 1960.
Mapurisa ange akapakatira zvombo nehutsi hunokatyidza afumo bata jongwe muromo munzvimbo dzakawanda munyika achida kudzivirira kuratidzira kwange kwakarongwa nesangano reTajamuka.
Sangano reTajamuka/Sesijikile rinoti kuratidzira kwaro murunyararo kuburikidza nekusaenda kumabasa kwevashandi kuri kuenderera mberi kutanga mangwana Muvhuro kusvika Chishanu sekurongwa kwavakaita.
Mutemo uyu, Statutory Instrument 145, unorambidzawo kutengeswa kwechibage kuGrain Marketing Board nemumwe munhu asiri murimi, uye unopa masimba kuGMB ekuramba kutambira chibage chinenge chichitengeswa nemunhu asiri murimi.
Hurumende yakazivisa neMuvhuro svondo rino kuti mari yekunze yakanga isisabvumidzwi kushandiswa munyika, asi kuti mari yeBond Note neRTGS ive chete iyo inoshandiswa munyika mukutengeserana.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvizhinji zviri kunze kwenyika zvinoti hazvisato zvanyatsonzwisisa mashandiro emutemo mutsva weStatutory Instrument 142 of 2019, uyo wakadzikwa neMuvhuro uchirambidza kushandiswa kwemari dzekunze munyika.
Sangano reTajamuka/Sesijikile nhasi rasvitsa tsamba dzenyunyuto kuhofisi yemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe nekumunyori wedare reparamende richikurudzira kuti hurumende igadzirise zvinhu nekukasika.
Vachidiki veZanu PF vaita musangano nevatori venhau pamuzinda webato iri muHarare, apo vataura mazita evanhu vavanoti vari kuita zvehuwori, izvo vanoti zviri kudzosera kumashure hurongwa hwemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa hwekurwisana nehuwori.
Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vanoti VaMasaraure vakachengetedzwa nemapurisa uye vari kutarisirwa kuendeswa kukamba yemapurisa yeHarare Central Police Station uko vachange vari mumaoko edivi reLaw and Order.
Mutungamiri webato reMDC, VaNelson Chamisa, neChitatu vakadoma vanhu vachange vachifambisa mabasa akasiyanasiyana mubato ravo, vachishanda semakurukota ebato, kana kuti shadow cabinet.
Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, ndivo vanonzi vakasaina magwaro echibvumirano vakamirira hurumende yeZimbabwe, uye hurumende inonzi ichange ichibhadhara mari inoita miriyoni yemadhora pagore kumbani iyi.
Veruzhinji vanonzi vanofanirwa kupiwa mukana wekusarudza vatungamiri vavanoda kuti munyika munzi mune hutongo hwegutsaruzhinji, uye zvikamu makumi matanhatu nezvitanhatu kubva muzana muAfrica zvinofarira hutongo hwegutsaruzhinji.
Rodhai zvimwe