Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vopesana neNyaya yeKurambidzwa kweMari yeKunze Kushandiswa Munyika


 VaRaymond Majongwe, munyori weProgressive Teachers Union of Zimbabwe,vanoti nyika inofanirwa kunge iine zvigadzirwa zvinotengeswa kunze. (Sebastian Mhofu/ VOA)
VaRaymond Majongwe, munyori weProgressive Teachers Union of Zimbabwe,vanoti nyika inofanirwa kunge iine zvigadzirwa zvinotengeswa kunze. (Sebastian Mhofu/ VOA)

Panonzi pave nekusawirirana mumasangano evarairidzi zvichitevera mashoko anonzi akataurwa negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, ekuti hurumende yakakumbirwa nevarairidzi kuti imise kushandiswa kwemari yekunze munyika pamusangano wakaitwa nevamiriri vevarairidzi nemutungamiri wenyika, Vaemmerson Mnangagwa svondo rapera.

Hurumende yakazivisa neMuvhuro svondo rino kuti mari yekunze yakanga isisabvumidzwi kushandiswa munyika, asi kuti mari yeBond Note neRTGS ive chete iyo inoshandiswa munyika mukutengeserana.

Masangano evarairidzi ari pasi peApex Council anoti reZimbabwe Teachers’ Union of Zimbabwe, Teachers’ Union of Zimbabwe neZimbabwe Democratic Teachers Union pamwe nevamiriri vemamwe masangano evashandi akasangana nemutungamiri wenyika svondo rapera achipira zvichemo zvine vashandi vehurumende.

Zvichemo izvi zvinosanganisira nyaya dzemihoro yavo, iyo vanoti haichina chainotenga, izvo varairidzi vainyunyutawo vachiti vanoda kuti vabhadharwe mihoro yavo nemari yekuAmerica.

Sangano reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, nemamwe masangano evarairidzi havana kupinda mumusangano uyu.

Asi masangano asina kupinda mumusangano uyu anonzi ave kupomera masangano akasangana naVaMnangagwa mhosva yekutengesa Chimurenga chevarairidzi.

Munyori wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti vakapinda mumusangano nemutungamiri wenyika vakanga vasingafanirwe kukurudzira zvekubviswa kwemari yekunze pasina dzimwe nzira dzekugadzirisa nadzo zvichemo zvevarairidzi.

VaMajongwe vanoti hazvibatsire kuti nyika itore matanho akadai iyo isina mari yekunze yairi kupinda munyika kubva muzvicherwa nezvirimwa.

Mukuru weTeachers union of Zimbabwe, VaManuel Nyawo, vanoramba kuti havana kukumbira kuti mari yekunze irambidzwe kushandiswa munyika, asi chete kuti vakati vanoda kutambiriswa nemari inotenga.

Vanoti vakaudza VaMnangagwa kuti kana vezvitoro vachiti vanoda kuti vanhu vatenge nemari yekunze, vashandi vanofanirwawo kubhadharwa nemari yekuAmerica.

Hurukuro naVaRaymond Majongwe naVaManuel Nyawo
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG