Accessibility links

Breaking News

Vari Kunze kweNyika Votaura Pamusoro peMutemo weKurambidzwa kweKushandiswa kweMari yeKunze


Mutemo mutsva weStatutory Instrument 142 wakadzikwa neMuvhuro unorambidza kushandiswa kwemari yekunze munyika.
Mutemo mutsva weStatutory Instrument 142 wakadzikwa neMuvhuro unorambidza kushandiswa kwemari yekunze munyika.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvizhinji zviri kunze kwenyika zvinoti hazvisato zvanyatsonzwisisa mashandiro emutemo mutsva weStatutory Instrument 142 of 2019, uyo wakadzikwa neMuvhuro uchirambidza kushandiswa kwemari dzekunze munyika.

Mutemo uyu unoti mari inofanirwa kushanda munyika imari yemunyika chete inove Vakawanda vanoti vaitya kuti mutemo uyu uchakanganisa nzira dzekutumira kwavanoita mari kumusha kuhama neshamwari.

Asi bhanga guru renyika re Reserve Bank of Zimbabwe, rakajekesa nyaya iyi, richiti vanhu vanenge vatumirwa mari kumusha vachawana mari dzavo dziri mumari yekuAmerica kana mari yenyika kunenge kwabva mari.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuSweden, VaAlbert Matapo, vanoti havafungi kuti Statutory Instrument 142 of 2019 iyi mutemo, sezvo isina kupinda nekuparamende sezvonofanirwa kunge zvichiitwa pamutemo, sezvavakaita pakaparurwa ma bond note.

VaMapato vanoti zvakare semaonero avo, hapana chakaitwa nehurumende nekuti panofanirwa kutanga kugadzirisa zvinhu zvakakosha zvakaita sezvigadzirwa zvinozotengeswa kunze kuitira kuti nyika iwane mari yekunze.

"Zviripo nhasi izvi zvavaita, vari kutemba nemari inotumirwa inobva kuma diasporans. Hongu inotumirwa, asi chii chichaitika kwazviri? kana vakaedza kuudza vezvitoro kuita price control, vezvitoro vanongoburitsa zvinhu zvavo panze, votengesa zvinhu zvavo panze," VaMapato vanodaro.

Hurukuro naVaAlbert Matapo
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG