Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weDunhu reGauteng Okurudzira Kusimbiswa kweMiganho yeNyika


Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa vanonzi vakambotaurawo pamusoro pevanobva kune dzimwe nyika vachipinda muSouth Africa munguva yavaitsvaga rutsigiro.
Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa vanonzi vakambotaurawo pamusoro pevanobva kune dzimwe nyika vachipinda muSouth Africa munguva yavaitsvaga rutsigiro.

Mutungamiri wedunhu reGauteng, VaDavid Makhura, vanonzi vari kukurudzira kuti hurumende yenyika yeSouth Africa isimbise miganhu yayo nedzimwe nyika, sezvo vanhu vakawanda vari kupinda munyika iyi vari kuzopedzisira vagara mudunhu ravo.

Vachitaura kuvatori venhau, VaMakhura vanonzi vakati huwandu hwevanhu vari kupinda munyika yavo huri kuzopedzisira hwaremedza zvipatara zvedunhu ravo sezvo vekunze ava vachizotsvaga kurapwa muzvipatara izvi, uyewo kupinda mune dzimwe nzvimbo vachitsvaga hugaro.

Vakaudzawo nhepfenyuro ye702 neChipiri kuti vedzimwe nyika vakasununguka kupinda muSouth Africa, asi vanofanirwa kunge vaine magwaro anovabvumidza kugara munyika iyi zviri pamutemo.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvinonzi zvinogarawo mudunhu reGauteng iri, iro rinobatanidza maguta maviri makuru eSouth Africa ePretoria neJohannesburg.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvinonzi zvave kutya kuti mashoko aya anogona kuzokonzera kurwiswa kwevamwe vavo nezvizvarwa zveSouth Africa, sezvinomboitika kana pakataurwa mashoko akadai nevakuru vehurumende kana vemapato ezvematongerwo enyika.

Asi sachigaro vesangano rinomirira zvizvarwa zveZimbabwe muSouth Africa reGlobal Zimbabwe Forum, VaSolomon "Sox" Shikowero, vanoti hapana zvitsva mumashoko aVaMakhura aya, sezvo zvagara zvichitaurwa nevemapato ezvematongerwo enyika ava munguva dzekutsvaga rutsigiro.

Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vanonzi vakambotaurawo pamusoro pevanobva kune dzimwe nyika vachipinda muSouth Africa munguva yavaitsvaga rutsigiro musarudzo dzapfuura.

VaChikowero vanotiwo bato reANC, rinove bato raVaMakhura, harina kubuda zvakanaka musarudzo mbiri dzichangobva kuitwa munyika iyi, idzo dzakaona bato iri richirasikirwa nezvigaro zvemameya emaguta ePretoria neJohannesburg.

Asi vanoti vari kukurudzirawo vana veZimbabwe vanenge vachipinda munyika iyi vasina magwaro kuti vanyorese kubazi rezvemukati menyika kuitira kuti vazivikanwe kana vakazopinda mutsaona.

Huwandu hwevanhu vari kupinda muSouth Africa vasina magwaro hunonzi huri kukwira zuva nezuva sezvo hurumende yeZimbabwe iri kunzi haichakwanisa kudhinda magwaro ekufambisa, kana kuti masipoti, izvo zvinonzi zvave kusiya vamwe vasina imwe nzira yekupinda nayo munyika dzakapoteredza kunze kwekusvetuka miganho vachinotsvaga mafuro manyoro.

Zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zviri muSouth Africa zvagara zvichinyunyuta nekurwiswa kwazvinoitwa nevemunyika iyi zvichinzi zviri kuvatorera mabasa.

Hurukuro naVaSolomon Sox Chikowero
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG