Accessibility links

Breaking News

Hurumende neVashandi Vayo Votadza Kuwirirana paNyaya yeMihoro


Sachigaro weApex Council, Amai Cecilia Alexander, vanoti hapana chafamba mumusangano wavo wekuzeya mihoro nehurumende.
Sachigaro weApex Council, Amai Cecilia Alexander, vanoti hapana chafamba mumusangano wavo wekuzeya mihoro nehurumende.

Musangano pakati pevamiriri vehurumende nevamiriri vevashandi vehurumende weNational Joint Negotiating Council, uyo wanga wakatarisirwa nevakawanda kuti uchaburitsa chimuko, unonzi hauna chawaburitsa mushure mekunge vashandi varamba mari yanga yaiswa patafura nehurumende.

Zvinonzi hurumende yanga yati inokwanisa kuwedzera vashandi vayo mihoro nemadhora makumi mapfumbamwe nemanomwe pamunhu iri mari yemaRTGS, iyo inonzi yarambwa nevamiriri vevashandi ava.

Hurumende inonzi yati inokwanisa kuwedzera mari idzi nemari inoita zana nemakumi masere emamiroyoni emari yeRTGS semari ichawedzerwa kubva muna Chikunguru kusvika panopera gore muna Zvita.

Izvi zvinosiya mushandi mumwe chete achiwedzerwa nemaRTGS makumi mapfumbamwe nemanomwe pamwedzi wega wega.

Vashandi vari munhaurirano idzi vanga vachimirira nemasangano avo vanosvika zviuru mazana matatu nezvipfumbamwe, kunynage hazvo mamwe masangano akaita seProgressive Teachers Union of Zimbabwe asina kupinda mumusangano uyu.

Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube, neMuvhuro vakazivisa nyika kuti hurumende yaizozivisa neChipiri nezvemari yairi kuda kuwedzera nayo vashandi vayo, avo vari kuchema kuti vave kukwangwaya nenhamo.

Pari zvino mushandi wepasi muhurumende anonzi ari kutambira mari inosvika madhora mazana mana nemakumi matatu yemaRTGS pamwedzi.

Vashandi vari kuchema kuti mari yavo haichatenge chinhu sezvo zvinhu zviri kuramba zvichikwira panguva iyo mihoro yavo isina kwairi kuenda.

Sachigaro vesangano rinomirira vashandi vehurumende reApex Council, Amai Cecilia Alexander, vanoti vashandi vapinda mumusangano uyu vachitarisira kuti hurumende ichapa mushandi wepasi mari inoita RTGS$4750.00 pamwedzi.

Amai Alexander vanoti vashandi vehurumende vakatovazivisa kare kuti kana pasina chabuda kubva mumusangano uyu, vanofanirwa kuenderera mberi nehurongwa hwavakange vanahwo muna Kurume hwekukanda mapadza pasi.

Vanoti sevashandi, vari kutarisira kuti hurumende ichadzoka kwavari svondo rino risati rapera, uye ivo vachasanganawo seApex Council nemusi weChitatu kuti vapire nhengo dzavo zvabuda mumusangano uyu pamwe nekuti varonge gwara rekutora kuenda mberi.

Hurukuro naAmai Cecilia Alexander
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG