Accessibility links

Breaking News

Sangano reTajamuka/Sesijikile Rinosvitsa Gwaro reNyunyuto kuMutungamiri weNyika


Nhengo dzeTajamuka/Sesijikile dzichiratidzira muHarare gore rapera. Sangano iri riri kuti rwendo rwuno vanhu vanofanirwa kugara kudzimba dzavo.
Nhengo dzeTajamuka/Sesijikile dzichiratidzira muHarare gore rapera. Sangano iri riri kuti rwendo rwuno vanhu vanofanirwa kugara kudzimba dzavo.

Sangano reTajamuka/Sesijikile nhasi rasvitsa tsamba dzenyunyuto kuhofisi yemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe nekumunyori wedare reparamende richikurudzira kuti hurumende igadzirise zvinhu nekukasika.

Munyori anoona nezvekurongwa kwemabasa musangano iri, VaTineyi Munetsi, vanoti vapa mutungamiri wenyika mazuva manomwe chete ekuti vagadzirise zvinhu munyaya dzezvehupfumi zviri kusunga nyika, kukundikana kwavo vanhu vomira kuenda kumabasa vachigara kudzimba dzavo senzira yekuratidzira murunyararo.

VaMunetsi vanoti zviri mugwaro ravo renyunyuto zvinosanganisira nyaya yemitengo yezvinhu, iyo vanoti iri kungokwira zvisina tsarukano, nyaya yekuti vashandi vari kukundikana kuwedzerwa mari dzemihoro, uye kushaikwa kwemafuta edzimotokari munyika.

Vanoti magwaro avo atambirwa kwese kuparamende nekuhofisi yemutungamiri wenyika, kunyange hazvo nhengo yavo yaenda kuhofisi yemutungamiri wenyika yambochengetedzwa kwenguva ingada kusvika awa imwe chete nevanochengetedza mahofisi emutungamiri wenyika ichibvunzisiswa nezvegwaro ravo iri, asi yazoregwa ichienda.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kana VaMnangagwa vakwanisa kuona gwaro rasiiwa kuhofisi kwavo iri sezvo takundikana kubata mutauriri wavo, VaGeorge Charamba.

Hurukuro naVaTineyi Munetsi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG