Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yozadza Mapurisa muMigwagwa Achityira Kuratidzira kweTajamuka


FILE - Riot police stand guard as supporters of the opposition Movement For Democratic Change (MDC) party take part in anti-government protests over economic hardships in Harare, Zimbabwe, Nov. 29, 2018.
FILE - Riot police stand guard as supporters of the opposition Movement For Democratic Change (MDC) party take part in anti-government protests over economic hardships in Harare, Zimbabwe, Nov. 29, 2018.

Mapurisa ange akapakatira zvombo nehutsi hunokatyidza afumo bata jongwe muromo munzvimbo dzakawanda munyika achida kudzivirira kuratidzira kwange kwakarongwa nesangano reTajamuka.

Sangano reTajamuka rinoti harisi kufara nemamiriro ezvinhu munyika zvikuru munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika.

Asi kurudziro yekuratidzira iyi haina kutambirwa nevanhu sezvo vaenda kumabasa uye mabhizimisi nemakambani anga akavhurwa.

Gurukota rinnona rezvekudzivirirwa kwenyika VaCain Mathema vange vayambira kare kuti mapurisa aizoendeswa mumigwagwa kunochengetedza runyararo.

Mumashoko kuvatori venhau, VaMathema vayambirawo kuti vanhu vasatumire mashoko ekukurudzira kuratidzira pamadandemutande akaita seWhatsApp.

VaMathema vati mutemo wenyika unobvumidza vanhu kuratidzira asi zvichifanira kuitwa zviri mubumbiro remutemo.

Asi vachitaura neStudio 7, mukuru weTajamuka VaPromise Mkwananzi vati hurongwa hwavo hwabudirira kunyangwe vapomera mapurisa neZanu-PF mhosva yekuvavhiringidza.

Hurukuro naVaPromise Mkwananzi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZanu-PF VaSimon Khaya Moyo kana mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi avo vanzi vange vari mumusangano.

Asi wemutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaEnergy Mutodi vaudza Studio 7 kuti kuratidzira uku kwakundikana nekuti vanhu havachadi kufurirwa.

Hurukuro naVaEnergy Mutodi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG