Mapurisa ange akapakatira zvombo nehutsi hunokatyidza afumo bata jongwe muromo munzvimbo dzakawanda munyika achida kudzivirira kuratidzira kwange kwakarongwa nesangano reTajamuka.
Sangano reTajamuka rinoti harisi kufara nemamiriro ezvinhu munyika zvikuru munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika.
Asi kurudziro yekuratidzira iyi haina kutambirwa nevanhu sezvo vaenda kumabasa uye mabhizimisi nemakambani anga akavhurwa.
Gurukota rinnona rezvekudzivirirwa kwenyika VaCain Mathema vange vayambira kare kuti mapurisa aizoendeswa mumigwagwa kunochengetedza runyararo.
Mumashoko kuvatori venhau, VaMathema vayambirawo kuti vanhu vasatumire mashoko ekukurudzira kuratidzira pamadandemutande akaita seWhatsApp.
VaMathema vati mutemo wenyika unobvumidza vanhu kuratidzira asi zvichifanira kuitwa zviri mubumbiro remutemo.
Asi vachitaura neStudio 7, mukuru weTajamuka VaPromise Mkwananzi vati hurongwa hwavo hwabudirira kunyangwe vapomera mapurisa neZanu-PF mhosva yekuvavhiringidza.
Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZanu-PF VaSimon Khaya Moyo kana mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi avo vanzi vange vari mumusangano.
Asi wemutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaEnergy Mutodi vaudza Studio 7 kuti kuratidzira uku kwakundikana nekuti vanhu havachadi kufurirwa.
Facebook Forum