Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muBritain zvaratidzira panze pemuzinda weChatham House muLondon zvichinyomba pamwe nekuzvidza gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, pavanga vobuda mumusangano waitirwa mumuzinda uyu.
Vanhu vanga vachiratidzira ava vanoonekwa pane imwe vhidhiyo iri kutenderera pamadandemutande vachidira VaMoyo mvura pamwe nekuvatuka vachivati imbavha pavanga voedza kupinda mumotokari kuti vabve panzvimbo iyi.
Pavhidhiyo iyi panoonekwawo zvakare mumwe murume, uyo anofungidzirwa kuti ndewechikwata chinochengetedza gurukota iri, achisundwa nekurohwa nemamwe emadzimai anga achiratidzira aya.
Asi mumwe wevakaronga kuratidzira uku, uye vari mutauriri wesangano reZimbabwe Human Rights Organisation, VaKingston Jambawo, vanoti vanga vasina hurongwa hwekubatabata VaMoyo kana chikwata chavo, kwete, asi kuti vanhu vatora danho iri nekuda kwekushatiriswa nemafambisirwo ari kuitwa basa nehurumende yeZimbabwe kumusha.
Vanoti vasvitsa zvinyorwa zvakati wandeyi kuhurumende yeBritain vachiitsanangurira mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe, kuitira kuti nyika iyi inzwe zviri kurwadza vana veZimbabwe, uyewo kuti itsvage nzira dzekuvabatsira nadzo.
Vanoti vacharamba vachiratidzira kusvika zvinhu zvanaka munyika.
Studio7 yaedza kubata muzinda weZimbabwe muLondon kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi, asi vadaira nhare yedu vati vanokwanisa kutaura nesu pamusoro penyaya iyi vanga vabuda.
Takundikanawo kubata munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, avo, vari pamwe chete naVaMoyo kuLondon.
Chikwata cheZimbabwe ichi chiri kumusangano wekutarisa mashandiro evatori venhau pasi rose pamwe chete nekushambadza mikana yekuvhura mabhizimusi muZimbabwe.
Facebook Forum