Vemabhizimusi muguta reBulawayo vakabatana nemamwe masangano akasiyanasiyana emuguta iri vasangana nevakuru vekanzuru yeguta iri kuti vazeye nezvematambudziko avanoti ari kukonzerwa nekuvharwa kwemvura, uko kunonzi kwatora nguva yakareba.
Mukuru wesangano rinomirira vemabhizimusi, reAssociation for Business in Zimbabwe, (ABUZ), VaVictor Nyoni, vanoti kuvharwa kwevhura uku kwave kukanganisa mafambisirwo emabhizimusi akawanda sezvo nhengo dzavo dzichida mvura mukuita mabasa adzo zuva nezuva.
VaNyoni vanoti vavimbiswa nevakuru vekanzuru vavasangana navo kuti vatarisire kuwana mvura kutanga kwesvondo rinouya, sezvo kanzuru iri kutarisira kupedza basa rairi kuita mukupera kwesvondo.
Guta reBulawayo rinonzi rapinda musvondo repiri risina mvura zvichitevera danho riri kutorwa nekanzuru rekugadzirisa michina inopomba mvura paCriterion Water Works.
Izvi zvinonzi zvasanganawo nekuderera kwemvura mumadhamu anowanisa guta iri mvura eCriterion neMagwegwe pamwechete nekunetsa kwemagetsi ekuti mvura ikwanise kupombwa.
VaNyoni vanoti zvinozivikanwa kuti guta reBulawayo rave nemakore anodarika zana nemakumi maviri, zvekuti michina nepombi dzemvura zvachembera.
Vanoti hurumende nekanzuru zvinofanirwa kutora matanho ekugadzirisa dambudziko iri kuti ripere zvachose.
Studio7 yakundikana kunzwa divi rekanzuru panyaya iyi.
Facebook Forum