Accessibility links

Breaking News

Vashandi vekuMizinda yeNyika Voyawura neKusatambiriswa Mihoro kweMwedzi Yakawanda


Sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaKindness Paradza veZanu PF.
Sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaKindness Paradza veZanu PF.

Vashandi vekumizinda yeZimbabwe pamwe nevamiriri venyika munyika dzakawanda pasi rose vanonzi vari kunonga svosve nemuromo sezvo vachinzi vamwe vatove nemwedzi inodarika mitanhatu vasati vawaniswa mihoro yavo.

Izvi zvinonzi zvave kukonzera kuti vamwe vashandi vaburitswe mudzimba dzavari kugara, vamwe vachikundikana kubhadharira vana vavo mari dzezvikoro munyika dzakasiyanasiyana dzavari kudzidza.

Vamwe vashandi vekumizinda iyi vataura neStudio 7 vatisingakwanisi kudoma nemazita sezvo vasingabvumidzwi kutaura nevatori venhau, vati havachamboziva kuti remangwana ravo rakamira sei, sezvo pasina kana tarisiro yekuti vanobhadharwa riini.

Vashandi ava vati chiri kunyanya kuvarwadza ndechekuti vanoudzwa kunzi nyika haina mari yekunze inodiwa kuti vakwanise kubhadharwa asi vanoona vamwe vakuru-vakuru muhurumende vachiita nzendo dzimwe dzisina kana nekukosha kwese.

Mumwe mushandi ati haaonewo njere pakuti hurumende inodoma vamwe vamiriri venyika vatsva iyo ichikundikana kubhadhara vari pamabasa kare.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachangobva kudoma vamiriri venyika gumi nevashanu kutsiva vakaenda pamudyandigere nevamwe vakashaya.

Zvinonzi mimwe mizinda yenyika yakatarisana nekuvharwa nekuda kwekukundikana kubhadhara mari dzekushandisa zvivakwa izvi.

Kutanga kwegore rino bepanhau reNew Zimbabwe rakazivisawo nezvekuramwa mabasa kwevamwe vashandi vekumuzinda weZimbabwe kuMozambique, vachinyunyuta nekusatambiriswa mihoro yavo kwemakore matatu.

Studio 7 yakundikana kubata munyori mukuru mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika, Ambassador James Manzou, avo vanga vachinzi vabuda muhofisi mavo, kuti tinzwewo divi rehurumende panyaya iyi.

Asi sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, vari mumiriri weMakonde, VaKindness Paradza vanoti komiti yavo inoziva nezvematambudziko akatarisana nevari kumizinda yenyika iyi, asi dambudziko guru rakatarisana nenyika ndere kushaya mari yekunze inodiwa pakubhadhara vashandi ava.

VaParadza vanoti vave nehurongwa hwekuti vashandi vekumizinda yenyika vese vadzokere pasi pebazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika kuitira kuti zvigove nyore pakuvabhadhara mihoro yavo.

Vanoti pari zvino vashandi ava vari kutambira mihoro yavo pamwechete nevamwe vashandi vehurumende vose, danho ravatenda kuti harisi kufamba zvakanaka.

Hurukuro naVaKindness Paradza
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG