Accessibility links

Breaking News

Nyika dzemuAfrica Dzokurudzirwa Kutevera Hutongo hweGutsaruzhinji


VaTendai Biti.
VaTendai Biti.

Veruzhinji vanonzi vanofanirwa kupiwa mukana wekusarudza vatungamiri vavanoda kuti munyika munzi mune hutongo hwegutsaruzhinji, uye zvikamu makumi matanhatu nezvitanhatu kubva muzana muAfrica zvinofarira hutongo hwegutsaruzhinji.

Izvi zvakabuda pagungano rakapindwa nemumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC, uye vari gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaTendai Biti, pamwe nemumwe wavakanyora naye bhuku, VaGreg Mills.

Vachitaura neChipiri manheru pakuparurwa kwebhuku ravo rinotarisisa nezvegutsaruzhinji munyika dzemuAfrica, ravakanyora pamwe nevaive mutungamiri weNigeria, VaOlusegun Obasanjo naVaJeffrey Herbst, iro rinonzi Democracy Works: Rewiring Politics to Africa’s Advantage”, VaBiti vakati kana izvi zvakasaitika zvinokonzera kusagadzikana kwenyika.

VaBiti vakati hosha hombe iri muZimbabwe pari zvino ndeyekubirwa kwesarudzo dzakaitwa muna 2018 nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa, vakati kuti zvinhu zvigadzirisike munyika nyaya iyi inofanirwa kugarirwa pasi munhaurirano dzinofanirwa kutungamirwa nemunhu wekunze, uye SADC pamwe nemutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa vanofanirwawo kunge varipowo, sezvakamboitika muna 2008.

Asi vakati izvi hazvisi kudiwa naVaMnangagwa nebato ravo reZanu PF sezvo vasati vasvika pachinhanho chiya chekutambira kuti matambudziko akatarisana nenyika makuru kwazvo, zvekuti akasagadziriswa anogona kuvadyawo naivo VaMnangagwa kuburikidza nekusagadzikana kwenyika, kana kupidigurwa kwehurumende yavo nemauto.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chakavepowo pachiitiko ichi, Doctor Rhoderick Machekano, vakatsinhirawo mashoko aVaBiti ekuti muAfrica munofanirwa kuve nehutongo hwegutsaruzhinji kuti mugadzikane, vachiti kana izvi zvakaitikawo muZimbabwe zvinhu zvinoshanduka.

Asi nhengo yeZanu PF iri muno muWashington D.C, VaFrenk Guni, avo vakapindawo pamusangano wekuparurwa kwebhuku iri, vakati chiri kutadzisa nyika idzi kubudirira hakusi kukundikana kwedzihurumende kwete, asi kuti vemapato anopikisa ndivo vari kudzipiya ndare.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, VaMills, avo vanobva kuSouth Africa, vakati zvikamu makumi matanhatu nezvitanhatu kubva muzana muAfrica zvinofarira hutongo hwegutsaruzhinji.

Vakatiwo panofanirwa kufungisiswa patsva nzira dzingabatsira muAfrica, sezvo huwandu hwevanhu huri kutarisirwa kukwira zvakapetwa chiuru panosvika gore ra2045.

Bhuku raiparurwa iri rinotarisa maitirwo esarudzo muAfrica, idzo dzinonzi dzinenge dzisina kuchena, semuenzaniso dzakaitwa muDemocratic Republic of Congo muna 2019, muZimbabwe muna 2008, nemuKenya muna 2007.

Kusaburitswa kwechokwadi mukutsvagwa kwerutsigiro, kumbunyikidzwa kwekuburitswa kwemashoko, pamwe nekuvharwa kwemadandemutande, ndedzimwe nzira dzinonzi dziri kushandiswa nedzihurumende dzinodzvanyirira vanhu pasi rose.

Izvi zvinonziwo zviri kutemesa musoro nyika dzemuAfrica dzichiri kusimukira dzine vechidiki vakawanda, uye zviri kuonekwa mukuratidzira mumigwagwa, uko kunonzi mucherechedzo wekushaya chivimbo nenzira dzehutongo hwagara huripo kare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG