Vakawanda vanonzi vari kushoropodza danho rinonzi rakatorwa nehurumende, rekupa basa kune imwe kambani yekuAmerica, yeAvenue Strategies Global LLC, rekuti imirire Zimbabwe munhaurirano nehurumende yeAmerica kuti zvirango zvinonzi zvakatemerwa vamwe vakuru muhurumende zvibviswe.
Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, ndivo vanonzi vakasaina magwaro echibvumirano vakamirira hurumende yeZimbabwe, uye hurumende inonzi ichange ichibhadhara mari inoita miriyoni yemadhora pagore kumbani iyi.
Iyi ikambani yechipiri yekuAmerica kupiwa basa nehurumende, zvichitevera yeBallard Partners, iyo yakapiwa basa muna Kurume rekuti ibatsire kugadziridza chimiro chenyika ichibhadharwa zviuru mazana mashanu zvemadhora pagore.
Vamwe kusanganisira vemapato anopikisa eMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa neMDC-T, vanoti hurumende iri kupedza mari mune zvinhu zvisina basa, panzvimbo yekungogadzirisa zvacho zvakamboita kuti itemerwe zvirango kubva pekutanga, zvakaita sekuremekedza kodzero dzevanhu.
Asi nhengo yevechidiki veZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti kana chiri chokwadi kuti hurumende yakatsvaga vanoibatsira kuti zvirango zvibviswe hapana chakaipa sezvo zvirango izvi zviri kubata vana veZimbabwe vese, kwete veZanu PF chete sezvinotaurwa nevamwe.
Facebook Forum