America iri kupemberera kusvitsa kwayo makore mazana maviri nemakumi mana ane matatu yawana kuzvitonga kuzere kubva Britain, paine mhemberero dzakasiyana siyana dzarongwa dzinosanganisira kuputitswa kwema fireworks, uko kwagara kuchiitwa makore ose.
Asi gore rino mutungamiri wenyika iyi, VaDonald Trump, vawedzerawo zvimwe zvitsva pamusoro pemhemberero idzi, zvinosanganisira kuti ivo vachataura kumhomho yevanhu inotarisirwa kuungana paLincoln Memorial muWashington D.C.
Pamhemberero idzi pacharatidzwawo zvombo zvehondo zvemhando yepamusorosoro, zvinosanganisira motokari nendege dzehondo, idzo dzichabhururuka muchadenga panguva ichange VaTrump votaura.
Asi vamwe, zvikuru vebato rinopikisa muAmerica reDemocratic Party, vari kushoropodza danho raVaTrump rekutaura pamhemberero pamwe nekuti zvombo zviratidzwe vachiti rinopinza zvematongerwo enyika muzuva rekuwana kuzvitonga iri.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe nemutungamiri webato rinopikisa reMDC, VaNelson Chamisa, vatumira vose mashoko ekukorokotedza zvizvarwa zveAmerica pazuva rakakosha zvikuru iri.
Vachitaura mumashoko avo vakamirira vanhu vemuZimbabwe, VaMnangagwa vati vanotarisira kuti vacharamba vachidzamisa hushamwari hwavo nemuzinda weAmerica muHarare pamwe chete nevanhu venyika mbiri idzi.
VaChamisa vatiwo zuva ra 04 Chikunguru rinofananidzwa nendangariro dzekuzvitonga nerusununguko, zvishuwo pamwe nezviito zvinocherechedzwa pasi rose.
Vatiwo vanopembedza hushamwari hwavo nevanhu vemuAmerica vamira navo mumatambudziko avo kwenguva ndefu.
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda nesangano reZimbabwe Yadzoka/Mayibuye Zimbabwe, uye vachidzidzisa paUniversity of Bergen kuNorway, Doctor Victor Chimhutu, vanoti America inyika inozivikanwa pasi rose nekumirira kodzero dzevanhu munyika dzakasiyanasiyana kuitira kuti muve nehutongo hwejekerere, kunyanyanyanya munyika yeZimbabwe.
"Saka ndinoona kuti kana iyo ine zuva rayo rakadai, izuva rakakosha kwazvo rekuti kana sesuwo even sevana veZimbabwe izuva ratinoti izuva rakanaka, tichikorokotedzerawo America kuti nezuva rakadai," vanodaro Doctor Chimhutu.
Asi vanoti america inofanirwa kuramba ichibatsiridza nyika dzinenge dziri parumananzombe, nekuongororawo iyo yacho mabatiro ainoita mune dzimwe nyika dzakasiyanasiyana pakukurudzirwa kunoitwa kodzero dzevanhu nehutongo hwejekerere.
Panyaya yekuti VaTrump vachataura pamwe nekuratidza zvombo zvehondo pamhemberero, Doctor Chimhutu vanoti kunyange hazvo zvisati zvamboitika munhoroondo yeAmerica, VaTrump vari kuda kutora mukana uyu kuratidza pasi rose masimba enyika yavo munyaya dzezvombo zvehondo.
Asi vanoti havaoni iri pfungwa yakanaka yekuti VaTrump vashandise mukana uyu kutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo yemutungamiri wenyika muna 2020.
"Zvingava saizvozvo, but kutsvaga tsigiro kwazvo hakutsvagwe nekuisa mauto munzira kana kuburitsa zvombo zvehondo," vadaro VaChimhutu.
Facebook Forum