Accessibility links

Breaking News

Tajamuka/Sesijikile Inoti Hurongwa hweKusaenda kuMabasa Svondo Rino Huri Kuenda Mberi


Mukuru weTajamuka-Sesijikile, VaPromise Mkwananzi vati hurongwa hwavo huri kuenderera mberi.
Mukuru weTajamuka-Sesijikile, VaPromise Mkwananzi vati hurongwa hwavo huri kuenderera mberi.

Sangano reTajamuka/Sesijikile rinoti kuratidzira kwaro murunyararo kuburikidza nekusaenda kumabasa kwevashandi kuri kuenderera mberi kutanga mangwana Muvhuro kusvika Chishanu sekurongwa kwavakaita.

Mukuru wesangano iri, VaPromise Mkwananzi vaudza Studio 7 kuti panguva yekusaenda kumabasa kwevanhu iyi vanotarisira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa kuti vagadzirise matambudziko akatarisana nenyika mune zvematongerwo enyika pamwe nezveupfumi.

Vati kukundikana kwavo vanofanirwa kubva pachigaro, kana kuti voshevedzera nhaurirano dzinopindwa nemapoka ose dzichitungamirirwa nemuyananisi wekunze, vachiti kukundikana kwaVaMnangagwa kuita izvi ruzhinji rwevanhu rwuchafora neMugovera 6 Chikunguru rwakananga kumuzinda weState House.

VaMkwananzi vatiwo imwe nhengo yavo, VaTineyi Munetsi, vashevedzwa nemapurisa, uye pataenda pamhepo tanga tisati taziva kuti VaMunetsi vasvikosungwa here kana kuti vanga vachiri kubvunzurudzwa.

Zvichakadaro, sangano revashandi reZCTU, rinoti harineyi nechekuita nehurongwa hwekuvharisa nyika huri kutungamirirwa neTajamuka/Sesijikile uhwu, kunyange hazvo rakazongoona zita raro riri kushandiswa nesangano iri serimwe remasangano ari mukuratidzira uku.

Mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa vanoti sesangano, vanotopiwa gwara nevashandi, uye vachiri kutonzwa kuti vashandi vanodeyi pamamiriro akaita zvinhu munyika, vachiti vane hurongwa hwavowo sezvo vachiri kunzwa kubva kuvashandi.

Hurukuro naVaPeter Mutasa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti vanhu havafanirwe kutya kuita mabasa avo semazuva ose sezvo mapurisa aripo kuvachengetedza semazuva ose.

Hurukuro naAssistant Commissioner Paul Nyathi
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG