Mutungamiri webato rinopikisa reMDC, VaNelson Chamisa, vashanyira jeri reChikurubi Maximum Prison, kunoona nhengo dzebato ravo dziri kupika mujeri iri, Last Maengahama naTungamirai Madzokere.
Vaviri ava vakatongerwa kugara mujeri kwemakore makumi maviri mushure mekuwanikwa vaine mhosva yekuponda mumwe mupurisa mumusha weGlen View muna 2011.
VaChamisa vanoti vamboita dambudziko rekurambidzwa kupinda mujeri iri kwemaawa anoda kusvika matatu vachengetedzi vepajeri iri vachiti vanga vachida kutanga vapiwa mvumo nevakuru vavo.
VaChamisa vanoti vazokwanisa kuonana nevarume vaviri ava pamwe nevamwe vasungwa, kunyange hazvo vachiti vashushikana zvikuru kuti vabva vasina kuzokwanisa kuonawo Robert Martin Gumbura, uyo ari kupikawo pajeri iri.
VaChamisa vanoti vasungwa vavataura navo vachemachema zvikuru nenyaya dzechikafu, mvura pamwe nemagariro ekumanikidzana kunge mbeva.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZimbabwe Prisons and Correctional Services panyaya yekunonotswa kwaVaChamisa kuona vanhu vavanga vafambira.
Facebook Forum