Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inodzika Mutemo Unorambidza Kutengeswa kweChibage Kunze kweGMB


The U.N. Food and Agriculture Organization (FAO) says chronic hunger remains highest in sub-Saharan Africa, where one in four people are malnourished. (File photo)
The U.N. Food and Agriculture Organization (FAO) says chronic hunger remains highest in sub-Saharan Africa, where one in four people are malnourished. (File photo)

Hurumende, kuburikidza nebazi rezvekurima, yadzika mutemo unorambidza kutengeswa kwechibage kune mimwe misika isiri Grain Marketing Board, GMB.

Mutemo weStatutory Instrument 145 unorambidzawo kutengeswa kwechibage kuGMB nemumwe munhu asiri murimi, uye unopa masimba kuGMB ekuramba kutambira chibage chinenge chichitengeswa nemunhu asiri murimi.

Zvimwe zviri kusungwa nemutemo uyu kufambiswa kwechibage chinopfuura matsaga mashanu ane huremu hwemakirogiramu makumi mashanu patsaga roga roga, kubva mune rimwe dunhu kuenda kune rimwe dunhu pasina mvumo.

Mapurisa ari kupiwawo masimba ekupinda mudzimba vachisecha kana vakafungidzira kuti munhu ari kuchengeta chibage zviri kunze kwemutemo.

Vamwe vanoti mutemo uyu hauna kunaka sezvo uchipa masimba ose kuG-M-B.

Asi mutungamiri werimwe sangano rinomirira varimi, uye vari sachigaro vesangano remubatanidzwa wemasangano evarimi, reFederation of Farmers’ Unions, VaWonder Chabikwa, vanoti sevarimi, vanotambira nemufaro mutemo uyu, sezvo uchichengetedza varimi kubva kumakoronyera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG