Hupenyu hweboka reJOMIC hwazosvika kumagumo zvichitevera danho rakatanga kutorwa nevamwe vashandi vesangano iri rekudzosera motokari nemimwe midziyo zveboka iri zvavanga vachishandisa kumuzinda weJOMIC uri kuAvondale muHarare
Kupiwa mutongo kwevarume vatatu neChitatu nedare ramejastiriti muHwange mushure mekuwanikwa vaine mhosva yekuvhima zviri kunze kwemutemo, uye kuuraya nzou nedzimwewo mhuka nemuchetura wecyanide, kuri kutambirwa nevakawanda sechiitiko chinogona kumisa nyaya dzekuvhima zvisina mvumo.
Vamiriri vemasangano evashandi vehurumende vasvitsa gwaro retarisiro yavo munyaya dzemihoro kuhofisi yegurukota idzwa rinoona nezvevashandi VaNicholas Goche
Mumwe wevakadzingwa papurazi apa, VaShadreck Sibanda, vanoti vakadzingwa nechikonzero chekuti vanotsigira bato reMDC T, iro rakakundwa musarudzo neZanu PF.
MDC T inoti Amai Chikukwa havafanirwe kunge vachitaura mashoko akadai, uye semaonero ayo, havana kusarudzwa zviri pamutemo.
Vamiriri vemasangano evashandi vehurumende vasangana nasachigaro weCivil Service Commission, VaMariyawanda Nzuwa, vachiedza kuonesana nenyaya dzemashandiro avo kuti angafambidzane sei nebumbiro idzva remitemo yenyika
VaBennett vanoti bato ravo haraifanirwa kupinda musarudzo zvinhu zvose zvaida kutanga zvagadziriswa zvisati zvapera kugadziriswa.
Vanhu vemumusha weBudiriro 2 vakaona chisionekwi mambakwedza eChipiri apo madzimai maviri akawanikwa vari paruvanze miviri yekumusoro isina zvipfeko, kunyange hazvo vamwe vachiti vakanga vasina chavakapfeka.
ZESA inoti mumwedzi unouya waGumiguru, ichakanganwira vanoshandisa magetsi ayo emudzimba nemumapurazi zvikwereti zvemari inosvika mamiriyoni zana nemakumi manomwe emadhora
Murimi mukuru, VaCarver Mapungwana, vanotiwo kufa kuri kuita nhondo dzevarimi vazhinji kuchaita kuti goho refodya riderere.
Ongororo yeWFP inoti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri nemazana maviri ezviuru, zvikuru kumaruwa, ndivo vanoda chikafu nekuchimbidza.
Hofisi yemuchuchisi mukuru wenyika inonzi yakapa mapurisa mvumo yekuti aferefete mhosva yekuzvidza matare iri kupomerwa magweta akamirira mutungamiri weMDC T, VaMorgan Tsvangirai, panyaya yavo yekupikisa zvakabuda musarudzo
Sangano reMedia Alliance of Zimbabwe raita musangano waro mukuru wepagore wezuva rimwe wekuzeya hwaro hwezvenhau munyika kwekore mashanu ari kutevera
Sangano reWorld Food Program, WFP, rinoti nzara yakwira muZimbabwe pachifungidzirwa kuti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri, kana kuti munhu mumwechete pavanhu vana vemumaruwa, akangangoda chikafu kubva iye zvino kusvika nguva yekukohwa gore rinouya
Zvikoro zvavhurwa munyika paine kugunun’una kukuru kubva mune vamwe vabereki vari kuti zvikoro zvakawanda zvadzora vana kudzimba vasina kubhadhara mari dzechikoro kana vane zvikwereti kubva kutemu yapera
Dzimwe nhengo dzeMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube dzinonzi hadzisi kuzosiya munyori mukuru webato iri, Amai Priscilla Misihairambwi Mushonga vachitoreswa mhiko yekuva nhengo inomirira Matabeleland South muparamende neChipiri.
Masangano evashandi ari kuda kuwedzerwa mari dzemihoro nezvikamu zvakasiyana siyana zviri pakati pegumi nezviviri negumi nezvina kubva muzana.
Bato reZanu PF rinoti riri mushishi kuronga nzira yekuti nhengo dzaro dzedare reparamende dzipote dzichiratidza zvadziri kuita mumatunhu adzinomirira kuburikidza nekunyora magwaro mushure memwedzi mina yoga yoga.
Makunzuru emunyika anonzi ari mubishi rekugadzirira sarudzo dzekutsvaga mameya achange achitungamira maguta nemadhorobha, pamwe nemasachigaro emakomiti emakanzuru
Kugadzwa kwemutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, semutungamiri wenyika kuri kwatambirwa nemaonero akasiyana siyana nevana veZimbabwe
Rodhai zvimwe