Accessibility links

Breaking News

Madzimai Maviri Anonzi Varoyi Anoonekwa kuBudiriro Ari Musvo?


Zviitiko zvehuroyi zvinonzi zviri kukwira muZimbabwe
Zviitiko zvehuroyi zvinonzi zviri kukwira muZimbabwe
Vanhu vemumusha weBudiriro 2 vakaona chisionekwi mambakwedza eChipiri apo madzimai maviri vakawanikwa vari paruvanze miviri yekumusoro isina zvipfeko, kunyange hazvo vamwe vachiti vakanga vasina chavakapfeka.

Zvinonzi mumusha uyu makaita chipatapata vanhu vachida kunona madzimai maviri anonzi akabva kuGokwe Nembudziya, ayo akazosungwa nemapurisa achipomerwa mhosva yekuita zvehuroyi.

Madzimai aya, Chipo Chakaja natete vake Maria Moyo, anonzi akawanikwa aine zvinhu zvinofungidzirwa kuti zvinoshandiswa mukuroya zvinosanganisira zizi nemishonga izvo zvinonzi zvaive murusero rwavaive narwo.

Zvinonzi madzimai aya akawanikwa ari muchivanze chemusha waVaChris Tongai, izvo zvakaita kuti veruzhinji vavanange huroyi.

Mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vanoti ichokwadi kuti izvi zvakaitika uye vanhu ava vainge vaendeswa kudare redzimhosva vachipomerwa mhosva yekuita zvehuroyi.

Asi vaviri ava vanonzi vari kuramba mhosva yehuroyi iyi vachiti havana ruzivo kuti vakasvika sei muHarare.

Mutongi wedare ramejastiriti kuMbare, VaReuben Makavhi, akati chiremba wepfungwa aongorore vaviri ava asi vanofanira kuti vagare mutirongo kusvika musi wa26 Gunyana pavachamiswa zvakare pamberi pedare iri.

Nhengo yeZINATHA, Sekuru Peter Mutandi Sibanda, vanotiwo madzimai aya varoyi chaivo uye vanofanirwa kuchenurwa naIshe wavo, kwete kumatare.

Imwe nhengo yechechi yepositori yeJohanne Wenguwo Tsvuku, Madzibaba Pejineki, vanotiwo chiitiko ichi chinoratidza simba rengirozi idzo vanoti dzakapenyera varoyi ava kusvika vadonhera pavakazowanikwa vari apa.

Madzibaba Pejineki vanoti dai vezvitendero vakapiwa mukana wekuti vashandire madzimai aya kuitira kubvisa mweya yakaipa yavanoti iri kuvatevera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mumwe chiremba anoongorora pfungwa, Doctor Sekai Nhiwatiwa, vanoti madzimai aya anogona kunge achirwara nezvirwere zvakakonzera kuti vaite zvavakaita izvi.

Vanoti kana vanhu vakadai vakaendeswa kumakiriniki avo vanovaongorora zvakadzama vasati vapa zvavanenge vawana izvi kumatare edzimhosva, vakatiwo vamwe vevanhu vavanoona ava vanotozobvako vave kunzwa zviri nani.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG