Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Oferefeta Magweta aVaTsvangirai


VaJohannes Tomana
VaJohannes Tomana
Hofisi yemuchuchisi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana, inonzi yakapa mapurisa mvumo yekuti aferefete mhosva yekuzvidza matare iri kupomerwa magweta akamirira mutungamiri weMDC T, VaMorgan Tsvangirai, panyaya yavo yekupikisa zvakabuda musarudzo.

Bepanhau reHerald rinoti VaTomana vakati hofisi yavo yakaendesa nyaya iyi kumapurisa kuti aferefete, uye ichatungamirwa neongororo iyi mukuita basa rayo.

Mwedzi wapera mutongi wedare rine chekuita nesarudzo, VaChinembiri Bhunu, vakakurudzira muchuchisi wenyika kuti atore matanho akakodzera kumagweta aVaTsvangirai.

Magweta aimirira VaTsangirai ndiAdvocate Lewis Uriri naVaChris Mhike.

VaTsvangirai vakakwidza zvakare nyaya yavo yekupikisa mutongo wedare re Electoral Court kudare repamusorosoro reSupreme Court, iro risati rapa mutongo waro.

Studio 7 yatadza kubata VaTomana pamusoro penyaya iyi sezvo nhare yavo yanga ichingorira isingadairwi.

Asi mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti bato ravo harishamiswi nezviri kuitika izvi sezvo riri kuziva kuti pane hurongwa hwekushungurudza nhengo dzaro pamwe nemagweta arinoshanda navo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG