Accessibility links

Breaking News

MDC T Yoronga Kukurukura naVaBennett Pamashoko Avanonzi Vakataura


VaRoy Bennett
VaRoy Bennett
Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti ichokwadi kuti bato ravo riri kuda kutaura nemubati wehomwe, VaRoy Bennett, nekuti mashoko ari kubuda anonzi ari kubva kwavari, haasi mashoko anofanirwa kunge achibva kumunhu mukuru akaita saivo.

Bepanhau reBusiness Day rekuSouth Africa rakaburitsa mashoko ekuti VaBennett vakati mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, vanofanirwa kusiya chigaro zvichitevera zvakabuda musarudzo dzemuna Chikunguru.

NeSvondo, VaTsvangirai, kuburikidza nemutauriri wavo, VaLuke Tamborinyoka, vanonzi vakati havasi kuzosiya chigaro chavo gore ra2016 risati rasvika, panove pachaitwa musangano mukuru webato ravo.

VaTamborinyoka vanonziwo vakati vanhu vavanoziva vari kuda kuti VaTsvangirai vasiye chaigaro ndeveZanu PF chete, kwete vari muMDC-T.

Asi VaBennett vanoti mashoko avo aive asina kunangana nemutungamiri webato ravo VaTsvangirai kwete, asi kuti ani nani zvake ane chekuita nedanho rakatorwa nebato rekupinda musarudzo zvinhu zvisina kunyatsogadziriswa, anofanirwa kusiya chigaro chake.

VaBennett vanoti bato ravo haraifanirwa kupinda musarudzo zvinhu zvose zvaida kutanga zvagadziriswa zvisati zvapera kugadziriswa.

Asi VaMwonzora vanoti matanho ose avakatora aitsigirwa neNational Executive pamwe neNational Council, idzo VaBennett vasiri kugara mazuva ano sezvo vari muhupoteri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG