Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inosangana neVamiriri veMasangano eVashandi Vayo


PTUZ
Vamiriri vemasangano evashandi vehurumende vasangana nasachigaro weCivil Service Commission, VaMariyawanda Nzuwa, vachiedza kuonesana nenyaya dzemashandiro avo kuti angafambidzane sei nebumbiro idzva remitemo yenyika.

Munyori mukuru werimwe remasangano evarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, vanoti havagoni zvavo kuburitsa zvakurukurwa, asi chikuru chavafadza ndechekuti pane chiratidzo chekuti zvichemo zvevashandi vehurumende zvinogona kunzwikwa negurukota idzva ravepo, VaNicholas Goche.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Munyori mukuru werimwe remasangano evashandi vehurumende rePublic Service
Association, VaEmmanuel Tichareva, vanotiwo musangano uyu wakanga wakakumbirwa kare nevashandi vehurumende kuti zvapave nebumbiro remitemo idzva, pane zvinofanirwa kuti zvigadziriswe zvinosanganisira mashandiro avo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vashandi vehurumende vanga vachichema kuti hurumende yemubatanidzwa yaivepo haina zvikuru zvayakavaitira, sezvo vaitadza kusangana nevaive gurukota revashandi vehurumende, Amai Lucia Matibenga, avo vanonzi vaikurudzira kuti vashandi vatange vagadzirisana vasati vasangana navo.
XS
SM
MD
LG