Accessibility links

Breaking News

WFP Inoti Vanhu Vanodarika Mamiriyoni Maviri Vakatarisana neNzara


WFP inopa rubatsiro rwechibage nemari kumhuri dzakatarisana nenzara
Sangano reWorld Food Program, WFP, rinoti nzara yakwira muZimbabwe pachifungidzirwa kuti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri, kana kuti munhu mumwechete pavanhu vana vemumaruwa, akangangoda chikafu kubva iye zvino kusvika nguva yekukohwa gore rinouya.

Nyaya yenzara iyi yaburitswa nekomiti yeZimbabwe Vulnerability Assessment Committee, iyo inoita ongororo nefungidziro pamusoro pechikafu uye kudoma matunhu anenge akatarisana nematambudziko aya.

Komiti iyi inoti fungidziro dzayo idzi ndidzo dzepamusorosoro munyaya dzechikafu kubva kutanga kwa2009 apo vanhu vaisvika chidimbu chevanhu vemunyika yose vaida rubatsiro rwechikafu.

WFP inoti matunhu akawanda, zvikuru ekuchamhembe kwenyika, akaita goho riri pasi mumwaka wapfuura uye akatopedza kana kuti ave pedyo nekupedza zviri mumatura. Vanhu vazhinji vanonzi vave kurarama nekutenga chikafu, icho chave kudhura kudarika gore rapera.

Mutauriri weWFP VaTomson Phiri vaudza Studio 7 kuti kusanaya zvakanaka kwemvura nderimwe rematambudziko akaita kuti goho riderere munyika.

VaPhiri vati sangano ravo riri mushishi kuunganidza rubatsiro rwemari nechikafu, uye rinotarisira kushanda zvakare nehurumende mukupa vanhu chibage pamwe nemari.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG