Accessibility links

Breaking News

Vana veZimbabwe Voona Zvakasiyana paKugadzwa kwaVaMugabe


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe
Kugadzwa kwaitwa mutungamiri wenyika, uye vari mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, kuitira kuti vatonge kwemamwe makore mashanu anotevera, kwatambirwa nemaonero akasiyana siyana nevana veZimbabwe.

Vamwe vanoti zvaitika izvi zvinoratidza chivimbo chine vana veZimbabwe naVaMugabe, vamwewo vachiti chiitiko ichi hachimiriri vana veZimbabwe vose sezvo pane vamwe vari kuti sarudzo dzakabiridzirwa.

Vamwewo vanoti kusavepowo kwevamwe vatungamiri vemuAfrica vanosanganisira mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, avo vanosionekwa seshamwari dzepedyo dzaVaMugabe, chiratidzo chekusawirirana kuri muvatungamiri ava pamusoro pamaonero ekuti votambira here zvakabuda musarudzo kana kuti kwete.

Mapato anopikisa Zanu PF haanawo kuenda kumhemberero idzi, idzo dzaitirwa kunhandare yeNational Sports Stadium muHarare.

Zvimwe zvave kutarisirwawo nevana veZimbabwe inyaya yeupfumi hwenyika uhwo hwanga hwotarisika panguva yehurumende yemubatanidzwa, vachida kuona kuti hurumende itsva yavepo iyi ichaita kuti zvinhu zvienderere mberi here kana kuti zvichadonha kudzokera pamakore ekunge pasati pave nehurumende yemubatanidzwa.

Mukuru webazi rezvegwara muMDC T, VaCharles Mangongera, vanoti kusaveko kwebato ravo kana vatungamiri vavo kumhemberero idzi chiratidzo chekuti havasi kuzofa vakatambira zvakabuda musarudzo dzavanoti dzakabirirwa idzi.

VaMangongera vanoti kuenda kumabiko ekugadza VaMugabe hakuna kusiyana nekupembedza mbavha yauri kuziva kuti ndiyo yakubira.

Nhengo yeZanu PF, VaTafadzwa Musarara, vanotiwo bato ravo harishaiswe hope nekusavepo kweMDC kumabiko aya, sezvo riri bato rakafanana nemunhu abva kusvinwa mota uyo anenge achiri kurwadziwa.

Vanoti chakakosha ndechekuti matare edzimhosva akatonga kuti sarudzo dzakaitwa murunyararo uye zviri pachena, kwete kuti MDC pamwe nenyika dzekumawirira anaBritain neAmerica dzati kudii.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG