Accessibility links

Breaking News

Kambani yeZESA Yokanganwira Vanhu Zvikwereti


ZESA
ZESA
Kambani yemagetsi yeZimbabwe Electricity Supply Authority, ZESA, inoti mumwedzi unouya waGumiguru, ichakanganwira vanoshandisa magetsi ayo emudzimba nemumapurazi zvikwereti zvemari inosvika mamiriyoni zana nemakumi manomwe emadhora.

Mutauriri weZESA, VaFullard Gwasira, vanoti musha woga woga uchabvisirwa chikwerete chemadhora zana nemakumi matanhatu kubva mamabhiri awo, mari ine huwandu hwemamiriyoni makumi mapfumbamwe emadhora.

Varimi vemumapurazi nevakagariswa patsva vachakanganwirwa mari inosvika mamiriyoni makumi masere emadhora.

VaGwasira vanoti kambani yavo yarwisa zvikuru nekukwanisa kukanganwira makasitoma ayo zvikwereti izvi, kunyange hazvo yakatarisana nenguva yakaoma.

Vanoti mukusvika padanho iri, ZESA yatarisawo nzira dzakawanda dzekubatsira vanoshandisa magetsi, asi vari kukurudzirawo kuti vane zvikwerete vabhadharewo paine nguva kuitira vakwanisewo kutenga mamwe magetsi kubva kunze kwenyika.

Kambani iyi inoti yadimurawo zvikwereti zvemasangano anobatsira akaita seJairos Jiri, chikoro chevasingaoni cheCapota pamwe nemisha inogara vakwegura.

Danho reZESA iri rinouya panguva iyo makanzuru mazhinji emunyika ari kukanganwira vanhu zvikwereti zvavo kubva muna kukadzi wa 2009 kusvika pakati pegore rino zvichitevera kurudziro yegurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaIgnatius Chombo.

Zvikwereti zvekambani iyi zviri muvanhu zvinonzi zvinopfuura chidimbu chebhiriyoni remadhora.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG