Accessibility links

Breaking News

Vashandi Voramwa Mabasa muSouth Africa


Kuramwa mabasa kwevashandi vemamwe mapoka muSouth Africa vari kuda kuwedzerwa mari dzemihoro, uko kwapinda musvondo repiri, kunonzi kuri kuenderera mberi paine tarisiro yekuti mamwe masangano evashandi angangopindawo mukuramwa mabasa uku.

Mutauriri wesangano remubatanidzwa wemasangano evashandi muSouth Africa, reCongress of South African Trade Unions, COSATU, VaPatrick Craven, vanoti vashandi vemumakambani anogadzira dzimotokari, vanoita zvekuvaka pamwe nevashandi vepanhandare dzendege ndivo vari pakuramwa mabasa pari zvino.

Vatiwo vashandi vemumigodhi nevekutakurwa kwezvinhu nemamwewo mapoka vanotarisirwa kutangawo kuramwa mabasa svondo rinouya kana nhaurirano dzavari kuitawo nevashandirwi dzakasaburitsa chimuko.

VaCraven vanoti kunyange hazvo hurumende isiri mukati menhaurirano kana kunetsana kwakonzera kuramwa mabasa kwevashandi uku, iri kutevera zviri kuitika kuburikidza nemutwedzeri wemutungamiri wenyika, VaKgalema Motlanthe, avo vanzi vanenge vari kudivi revashandi.

Masangano evashandi ari kuda kuwedzerwa mari dzemihoro nezvikamu zvakasiyana siyana zviri pakati pegumi nezviviri negumi nezvina kubva muzana.

VaCraven vanoti kunyange hazvo huvandu hwevari kuramwa mabasa husina kunyanya kuwanda, kuramwa mabasa uku kuri kukonzerwa nekusave nemutsauko pakati pevanoshanda nevasingashande, asi iyo nyika iri pakati penyika dzakapfuma.

Gore rapera vashandi vemumigodhi vanodarika makumi matatu vakapfurwa nemapurisa vakafa mushure mekuratidzira nenyaya dzemihoro uye kusawirirana kwemasangano evashandi vemumigodhi.

Munyori mukuru wesangano remubatanidzwa wemasangano evashandi muZimbabwe reZCTU, VaJaphet Moyo, vanotiwo zvikonzero zviri kuita kuti vashandi muSouth Africa varamwe mabasa hazvina kunyanya kusiyana nezvenhengo dzavo, asi kuti musiyano uri pakuti vamwe vavo havambunyikidzwi kana vachida kuratidzira.

Vanotiwo kuramwa mabasa uku kunogonawo kukanganisa zvinhu muZimbabwe sezvo ichishandisa zvakawanda zvinobva kunyika iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG