Varimi vegorosi rekudiridzira vanonzi vari kuchemachema nekudzimwa-dzimwa kunonzi kuri kuitwa magetsi nekambani yeZESA, danho ravati richakanganisa gohwo ravo regorosi iyo yave kutumbuka
Dare repamusorosoro raramba neMuvhuro danho remutungamiri weMDC T, VaMorgan Tsvangirai, rekubvisa mudare iri nyaya yavo yekupikisa zvakabuda musarudzo.
Boka reJOMIC riri kutarisirwa kupedza kushanda zviri pamutemo kupera kwemwedzi waNyamavhuvhu sezvo bumbiro idzva risingacherechedze boka iri.
VaPeckson Kazingizi vanoti masabhuku pamwe nevechidiki veZanu PF vari kumanikidza nhengo dzebato ravo kusarenda nhumbi pamwe nemakadhi kuUzumba
Apex Council inoti makore mashanu ehurumende yemubatanidzwa haana chaakavaitira kunze kwekutambura kukuru muvashandi vehurumende.
VaMaziwisa vari kukurudzira kuti mapazi ehurumende ari pasi pemapato maviri eMDC apenengurwe pamwe nekuongororwa kana aine mhosva dzaakapara dzingava dzehuwori kanawo zvimwe
MDC-T inoti dzimwe nhengo dzayo mumatunhu anoti Mashonaland Central, Mashonaland West, Manicaland nedzimwe nzvimbo, dziri kudzingwa dzichipomerwa mhosva yekuvhotera bato iri.
Kudonha kwemusika weZimbabwe Stock Exchange, ZSE, uko kwapinda muzuva repiri neChipiri, kunonzi kwawedzerawo kuipa kwezvinhu.
Musika wemari weZimbabwe Stock Exchange unonzi wadonha zvikuru ne25.64 points, kana kuti zvikamu gumi nechimwe (11.09%), muzuva rekutanga kubva pakaziviswa nezvakabuda musarudzo
Vanhu vakawanda mumatunhu eMashonaland vanoti vanga vachimanikidzwa kuti vabatsirwe pakuvhota kana vachifungidzirwa kuti inhengo dzeMDC.
Masabhuku nemadzishe anonzi ari kuudza vanhu kuti vatange vaungana pamisha yavo vasati vaende kunovhota nemusi weChitatu.
Zimbabwe Electoral Commission yakakoka masangano akazvimirira nevanhu vanoda kuongorora sarudzo pamwe nekudzidzisa vanhu pamusoro pesarudzo, sezvinodiwa nemutemo wesarudzo.
Hofisi yemutungamiri wenyika inoti motokari dzose dzeboka reJOMIC dziri kushandiswa nenhengo dzemapato ezvematongerwo enyika dzinofanirwa kuendeswa kuhofisi iyi nekuchimbidza
Gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaIgnatius Chombo, vanoti makanzuru ose ekumaruwa nemaguta anofanirwa kukanganwira vagari zvikwereti.
Mutungamiri weMDC T, VaMorgan Tsvangirai, vanoti mutungamiri weMavambo Khusile Dawn, VaSimba Makoni, vachange vachitsigirwa nebato ravo musarudzo yemumiriri weMakoni Central muparamende.
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mukuru weZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisai Ruhanya, vanotiwo mamwe mapato haasi kuwanawo mukana wekuita sezviri kuitwa neZanu PF, sezvo Zanu PF iri iyo ine masimba pamusoro penhepfenyuro idzi.
Sachigaro veZEC, Amai Rita Makarau, vanoti senzira yekuvharira chitsotsi chekuvhota kaviri, mazita evakakwanisa kuvhota mumazuva maviri aya achadzimwa kubva mumagwaro evavhoti.
MDC T muMashonaland Central inoti yanyorera JOMIC tsamba ichinyunyuta nekuoneswa chitsvuku kwainoti kuri kuitwa nhengo dzayo nevatsigiri veZanu PF
Sachigaro veZanu PF muModlands, VaJason Machaya, vanoti mudunhu mavo mune runyararo rwukuru kwazvo.
Mapato eZanu PF ne MDC-T ari kuvimbisa kuti achaunza mabasa, kumutsiridza upfumi, kupa hutano kuvanhu uye kumutsiridzawo nyaya dzekurima kana achinge akunda musarudzo.
Rodhai zvimwe