Accessibility links

Breaking News

Makwara eSarudzo eZanu PF neMDC T Otarisiswa


Kubva pakaparurwa hwaro hwemakwara, kana kuti manifesto, achateverwa nemapato eZanu PF neMDC T, vanhu vakawanda vave nemaonero akasiyana siyana pamusoro pevimbiso dziri kupihwa nemapato maviri aya.

Mapato aya ose ari maviri ari kuvimbisa kuti achaunza mabasa, kumutsiridza upfumi, kupa hutano kuvanhu uye kumutsiridzawo nyaya dzekurima kana achinge akunda musarudzo.

Bato reMDC T riri kuzoendawo mberi richivimbisa kupa mukana zvakare kumakambani ekunze kuti apinde adyare mari dzawo munyika.

Bato iri riri kutiwo richatanga zvakare kudyidzana nenyika dzekunze pamwe nemasangano ekunze zvakambogurwa hukama nehurumende yeZanu PF.

Ukuwo Zanu PF iri kuti ichapa hupfumi kuvatema, ichapawo mukana kuzvizvarwa zveZimbabwe wekuti zvivhure mabhizimusi, uye kuti haitarise kunze kwenyika mukumutsiridza upfumi, asi kuti ichatarisa munyika umo mune makambani ekunze anofanirwa kupa zvikamu zvawo, nezvimwe zvakawanda.

Bato iri rinotiwo rakakundikana kuita zvakawanda zvezvinhu zvariri kuvimbisa nekuda kwezvirango zvakatemerwa Zimbabwe, izvo rinoti zvakaita kuti nyika irasikirwe nemari inosvika mabhiriyoni makumi mana nemaviri emadhora.

Bato reMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube riri kutarisirwawo kuparura hwaro hwegwara raro neChishanu kuChikomba, kuMashonaland East.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari mukuru wesangano reYouth Initiative for Democracy in Zimbabwe, (YIDEZ) VaSydney Chisi, vanoti kunyange magwaro emapato maviri aya achiratidzika seakafanana, akasiyana zvikuru.

Vanoti gwara reMDC T rakanaka asi chete kuti rinoda nguva kuti rionekwe kunaka kwaro, kana zvichienzaniswa nereZanu PF rine zvivimbiso zvagara zvichitaurwa, kunyange hazvo zvimwe zvisati zvazadziswa.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, asi vachitungamira sangano reZimbabwe Youth Council, VaLivingstone Dzikira, vanotiwo gwara reMDC T harishandi sezviri kuvimbiswa nebato iri sezvo riri kuti richamiririra kudaidza vekunze kuti vazotanga makambani munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG