Accessibility links

Breaking News

VaChombo Vanoti Makunzuru Ngaarase Zvikwereti Zvine Vagari


VaIgnatius Chombo
VaIgnatius Chombo
Gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaIgnatius Chombo, vanoti makanzuru ose ekumaruwa nemaguta anofanirwa kukanganwira vagari zvikwereti zvemvura, mitero yekutakurwa kwemarara pamwe nemitero yedzimba kubva muna Kukadzi wa2009 kusvika kupera kwaChikumi wegore rino.

VaChombo vanoti hurumende yatora danho iri nekuona kunetseka kwevagari pamwe nemakanzuru kuti vagadzirise dambudziko iri, vachiti makanzuru aitorasikirwa nemari yakawanda mukuedza kutevera zvikwereti zvawo, ukuwo vanhu vachiramba vachiremerwa sezvo zvikwereti izvi zvairamba zvichiberekana.

VaChombo vanoti danho iri raita kuti mari inosvika mabhiriyoni maviri emadhora iraswe, asi vachiti neimwe nzira rinosimudza upfumi hwenyika sezvo vagari pamwe nemakambani anga aine zvikwereti vachizongoshandisa mari idzi neimwe nzira.

Asi vamwe, kusanganisira MDC-T, vanoti danho iri ratorwa kuitira kuti rinangane nesarudzo, idzo dziri kuitwa musi wa31Chikunguru uye kupa bato raVaChombo reZanu PF mukana wekuti rikwezve vavhoti.

Asi gurukota iri rarambawo mashoko aya.

“Hongu vanhu vanofunga kuti dhisiszheni yatorwa iyi ndezvematongerwo enyika, kwete. Tapa rubatsiro kumunhu wese ari muZimbabwe, literally munhu wese anowana some form of relief,” vadaro VaChombo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Makanzuru haachina makanzura sezvo temu yavo yakapera panguva yakapera hupenyu hweparamende. Vamwe vatiwo VaChombo vatora mukana wekuita izvi vachiziva kuti hapana achazvipikisa.

Mukuru wesangano revagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti sevagari vaida kuti zvikwereti zviraswe kubva muna Kukadzi wa2009 kusvika Zvita wa2010, nguva yakanga makanzuru achiita zvekufungidzira mari dzaifanirwa kubhadharwa nevagari, vobhadharawo kubva Ndira wa2011 kusvika pari nhasi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG